Vamwe vakaremara vanoti kunyangwe mvura yatotanga kuturuka vamwe vatokanda mbeu pasi, ivo vari kukundikana kuwana mbeu nemafotereza zvakavimbiswa nehurumende nezvikonzero zvakasiyana siyana.
Mumwe wevakadai ndiAmai Gladys Maringire vekwaSadza kuChivhu vakaremara makumbo avo vakati havasati vanyoresa kana kupuwa mbeu nekushaya ruzivo rwechirongwa ichi.
Vati, “Takatozonzwa vatopedza kunyoresana mazita, hatina chatakawana saka havatikoshesi, dai tirisu tapuhwa first preference asi hatina kunyorwa kana kutopihwa kwacho”
Vamwewo vakaita saAmai Memory Masunga, vekuWard 20, kwaChivi vanoti vari kunzi vatange vachera makomba zvinovaremera.
Amai Masunga vati, “Dai hurumende yanzwa chichemo chedu. "
Vaenderera mberi vachiti, "Zviri kudiwa takazvinzwa kudhiga zviminda zvitatu saka kune vanhu vane hurema ngavangotipa mbeu nekuti kuchera makomba hatigoni uye vanoticherera vanoda mari isu hatina”
Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende sezvo gurukota rezve kurima Doctor Anxious Masuka, vange vasingadairi nharembozha.
Asi munyori mukuru muhofisi yegurukota redunhu reMasvingo, Doctor Admore Pazvakavambwa, vati Hapana kusarura. “Ndichitairisa malist evanhu vari kubatsirwa vakaremara vatoriwo muzvirongwa zvepfumvudza vakatoita makomba avo saka pari kupuwa vamwe hapana ari kusara, leave no one and no place behind asi pane zvinodiwa” VaPazvakavambwa vaudza Studio 7.
Asi vanorwirwa kodzero dzevakaremara, musangano reDisability Amalgamation Community Trust, VaHenry Chivhanga varamba vakamira nerekuti vari kusiiwa. VaChivhanga vati, “Zvazvinotofanira kuita ndezvekuti vakaremara vanyorwe kwekutanga kuti vemuraini vazovabatsira kutakura." Vatiwo, "Tinoda kurimawo uye musadya zvevapfupi nekureba, tinodawo mugove yedu musaisa zvigozhero mberi kwedu”
Vanorwira kodzero dzvakaremara musangano reZimbabwe International Disability Amalgamation Trust, uye vari Mambo Chimbani Magudu, VaCover Mugwadi, vakurudzira madzimambo nemasabhuku kuti vasaomesere vakaremara nekuti vauye kumisangano yekunyoresa ivo vachivaziva nemazita mubhuku avo.
VaMagudu vati, “Zvimwe zvezvinhu hatidi kuomeserana nekuti iwe unotoziva munhu uyu kuti haagoni kufamba womuti huya kumusango iwe uchiziva zita rake uchingokona kumunyora saka ndokurudzira madzimambo nemasabhuku ngaitiitei zvinhu zvinopa chimiro.”
Vachitaura pakuparurwa kwechirongwa chepfumvudza kuBuhera mwedzi wapera, mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakati hurumende ichabatsira mhuri dzinosvika mamirioni matatu nezviuru mazana mashanu munyika, 3.5 million nembeu senzira yekurwisa nzara gore rinouya.
Forum