Accessibility links

Breaking News

Kukanda Mutirongo kweMavhiki Maviri Vanofungidzirwa Kuti Vapara Mhosva Vasiri Zvizvarwa zveZimbabwe Kunonzi Hakusi paMutemo


Air Zimbabwe
Air Zimbabwe

Dare repamusoro reHigh Court rabvisa chimwe chikamu chemutemo wekupinda nekubuda kwevanhu munyika kana kuti Immigration Act icho hurumende yange ichishandisa kwemakore akawanda kusunga nekugarisa mutirongo vashanyi vanenge vachifunguidzirwa kuti vapara mhosva munyika.

Nyaya iyi yakakwidzwa kudare nemugari wemuHarare VaTatenda Chakabva vachimiririrwa nesangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights.

Mutongi wedare repamusoro VaChristopher Dube-Banda vakati chikamu chechisere kana kuti section 8(1) chemutemo weImmigration Act chinopa mapurisa mvumo yekugarisa mutirongo kwemazuva gumi nemana mushanyi chinotyora bumbiro remitemo renyika pachikamu chechimakumi mashanu kana kuti 50 (2) (b). VaBanda vakati mutemo weImmigration Act uyu waityora kodzero dzevanhu.

Asi pakutongwa kwenyaya, mukuru webazi rezvekushanyirwa kwenyika kana kuti Chief Immigration Officer Amai Respect Gono vange vachiti mutemo uyu wakakosha sezvo uchibatsira kurwisa hutororo nekuferefeta dzimwe mbavha dzemandiriri, vasori nevamwe vachiti hazvikwanise kuti vanhu vakadai vaunzwe kiudare mukati memazuva maviri sezvinoitwa vamwe vasungwa munyika.

Mutauriri weZLHR VaKumbirai Mafunda vanoti mutemo unofanira kuenzaniswa kwete kuti munhu anotongwa achinzi mubvakure.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:45 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG