Vakawanda vane maonero akasiyanasiyana pamusoro pemusangano weSADC wechimbichimbi uri kuitwa muHarare kutanga neMugovera 16 Mbudzi kusvika musi wa 20 Mbudzi uyo wakanangana nekugadzirisa matambudziko ari mudunhu reSADC.
Nyaya inonzi iri pamusoro penhaurwa ndeye kunetsana kuri muMozambique uko vanopikisa vari kuratidzira vachiramba kutambira zvakabuda musarudzo dzakaitwa mwedzi wapera idzo bato riri kutonga reFRELIMO rakakunda.
Vanopikisa ava vari kupomera mhosva bato riri kutonga reFLERIMO mhosva yekubira sarudzo zvemhando yepamusoro, asi hurumende iri kuzviramba.
Vanhu vanoda kusvika kumakumi mashanu vanonzi vaurayiwa nemapurisa, ayo ari kupomerwa mhosva yekushandisa chisimba mukuparadza kuratidzira uku.
Zimbabwe iri kupomerwawo mhosva yekupindira mukubiridzirwa kwesarudzo idzi, kunyange hazvo iri kuzviramba.
Musangano weSADC Extraordinary Summit uyu unonzi uchakurukurawo nezvekurwisana kuri kuenderera mberi muDemocratic Republic of Congo, uko mauto ehurumende ari kurwisana nevapanduki veM23.
Zvimwe zvinonzi zvichakurukurwa nezvazvo isarudzo dzakabva kuitwa muBotswana neMauritius, uye dziri kutarisirwa kuitwa muNamibia.
Asi nyaya huru iri pakusagadzikana kuri muMozambique, uko kunonzi kwave kukanganisa kufambiswa kwezvinhu pakati pamiganhu yenyika iyi nedzimwe nyika, sezvo miganho iyi iri kumbomanikidzwa kuvhara.
Vatungamiri venyika dziri muSADC dzinoti Zimbabwe, Angola, Botswana, Comoros, the Democratic Republic of Congo, Eswatini, Lesotho, Madagascar, Malawi, Mauritius, Mozambique, Namibia, Seychelles, South Africa, Tanzania, neZambia vari kutarisirwa kunge vari pamusangano uyu.
Vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, VaKennedy Mandaza, vanoti vanoona musangano uyu uri iwo uchipedza mhirizhonga inonzi iri kuenderera mberi muMozambique pamwe nematambudziko ari mudunhu reSADC.
Asi vamwe vanoti havaoni zvavo paine chinobuda mumusangano uri kutungamirwa nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vanove ndivo sachigaro veSADC pari zvino.
Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaTawanda Dzvokora, vanoti havaoni paine chinobuda mumusangano uyu kana vachitarisa nhoroondo yekuti iyo Zimbabwe iri kuita mutongo gava yagara ine nhoroondo yekuramba kutambira zvinobuda musarudzo munyika mayo.
VaDzvokora vanotiwo Zimbabwe yakasviba mushure mekupomerwa mhosva yekupindira musarudzo dzemuMozambique, South Africa neBotswana vachiti pane humbowo hunoratidza kuti zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zvakatovhota musarudzo dzemuMozambique.
Asi VaMandaza vanoti manyepo kuti bato ravo reZanu PF pamwe nehurumende eZimbabwe vakapindira musarudzo dzemune dzimwe nyika vachiiti chiripo chete hukama kweZanu PF nemapato akarwira rusunguko munyika idzi, ayo avanosimbisa munguva dzaanenge ave kupinda musarudzo.
Forum