Accessibility links

Breaking News

VaTimba neVamwe veCCC Vopedza Mwedzi Mishanu Vari Mutirongo


VaJameson Timba
VaJameson Timba

Dare ramejastiriti muHarare nhasi raendesa mberi kusvika musi wa22 Mbudzi kupa mutongo panyaya iri kupomerwa mutungamiri wechimwe chikwata chebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaJameson Timba nevamwe vatsigiri vebato ravo makumi matanhatu nevatatu vari kusvika mwedzi mishanu vari mutirongo mangwana neMugovera.

Gweta raVaTimba nevamwe VaJeremiah Bamu vanova nhengo yeZimbabwe Lawyers for Human Rights vati mutongi wedare ati anoda nguva yekumbonzvera zvakaturwa nemagweta evasungwa nevacchuchusi.

Vanopikisa ava vakasungwa kumba kwaVaTimba kuAvondale muHarare musi wa 16 Chikumi vachipomerwa mhosva yekuita musangano vasina kupihwa mvumo nemapurisa.

Asi ivo vanoti vaida kucherechedza zuva reMwana weAfrica kana kuti Day of the African Child.

Masangano akaita seUnited Nations, hurumende yeAmerica, sangano reEuropean Union, masangano anorwira kodzero dzevanhu akaita seAmnesty International, Human Rights Watch nemamwe ari kukurudzira hurumende kuti ivasungunure achiti kusungwa kwavo kuda kumbunyikidza kodzero dzevanopikisa.

Asi gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vanoti hurumende haipindire pana zvinenge zvichiitika kumatare.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reAll Hands on Justice vanoti zviri kuitwa kune vanopikisa kuyedza kuvambunyikidza.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:12 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG