Accessibility links

Breaking News

Stanbic Yodzidzisa Vanhu neZvekutenga Zvinhu kuChina


Zimbabwean President Emmerson Mnangagwa, left, shakes hands with Chinese President Xi Jinping as they pose for the media after a signing ceremony at the Great Hall of the People in Beijing, China, April 3, 2018.
Zimbabwean President Emmerson Mnangagwa, left, shakes hands with Chinese President Xi Jinping as they pose for the media after a signing ceremony at the Great Hall of the People in Beijing, China, April 3, 2018.

Bhanga reStanbic nhasi raparura hurongwa hwekubatsira makambani emuZimbabwe anoda kutenga zvinhu kuChina bhanga iri richipawo ruzivo pazvinhu zvakakosha zvinodiwa muZimbabwe uye zvichiwanikwa nemitengo yakanaka.

Vachitaura pachiitiko chekuparura hurongwa uhwu nhasi pazuva reStanbic-China Day, mukuru weStanbic, VaSolomon Nyanhongo, vati Zimbabwe inotenga zvinhu zvakawanda kubva kuChina asi vanhu vakawanda havazive kuti zvinofamba sei kuti vatenge zvinhu zvakanaka zvichisvika muZimbabwe pasina matambadziko.

Vati bhanga ravo rine hukama nemabhanga nemakambani ekuChina. Venderera mberi vachiti, “Saka kana munhu achida kutenga zvinhu kubva kuChina, anongouya kuStanbic tomubatsira kutaura nevanhu chaivo kwete vanounza zvinhu zvisina kunaka.” Vatizve, “Saka izvo zvinoita kuti vanhu vatenge zvinhu nemutengo wakanaka vachitenga zvinhu zvakagadzirwa zvakanaka.”

VaNyanhongo vatiwo, “Tinoona China ichitevera America pakukura pasi rese saka nenyaya yekuti China inofarira Zimbabwe uyewo ndo iri kuunza mari ichitanga zvirongwa zvakawanda wanda isu sebhanga tinoona kuti hukama hukasimba pakati peChina neZimbabwe zvinobatsira nyika “

Mushandi mukuru musangano reConferderation of Zimbabwe Industries, Amai Sekai Kuvarika, vati hurongwa hwaparurwa nhasi hwakakosha kuti, Vanhu vanzwisise kuti hwaro kwekutenga zvinhu China hunotangira papi, magwaro anodiwa, mitero yacho inenge yakamira sei uyewo kuti makambani avangashanda nawo kuChina ndeapi.”

Mukuru anoona nezvehupfumi nemabhizimisi pamuzinda weChina muZimbabwe, VaHuang Minghai, vatiwo makambani ekuChina akawanda ari kusima mari dzawo muZimbabwe vakatiwo kutengeserana pakati peChina neZimbabwe kwakakwira gore rino kusvika pamabhiriyoni matatu emadhora mukati memwedzi mipfumbamwe yekutanga kwegore kubva pabhiriyoni nezviuru mazana maviri zvemadhora ekuAmerica gore rese rapfuura.

Vatiwo ,Zvinofadza kuona kuti makambani ekuChina ari kuita basa guru pakusimudzira hupfumi hweZimbabwe”

Vapa semuenzaniso kambani inogadzira simbi yeDINSON iyo vati iri kushandisa mari inodarika bhiriyoni nezviuru mazana mashanu muZimbabwe. Vati ichapinza basa vanhu vanodarika zviiru gumi kana yave kushanda zvizere.

Vatiwo makambani anochera Lithium ashandisawo mari inodarika bhiriyoni munyika izvo zviri kusimudzira hupfumi nemagariro evanhu muZimbabwe.

Asi kunyange hazvo VaMinghai vataura mashoko aya, masangano evashandi pamwe neveruzhinji munyika havasi kufara nemabatirwo anoitwa vashandi nemakambani ekuChina vachiti akawanda acho anotyora kodzero dzevanhu nekusabhadhara vashandi mihoro iri pamutemo pamwe nekusavapa zvekushandisa zvinokodzera pabasa.

Makambani ekuChina ari kupomerwawo mhosva yekuchera zvicherwa zvakaita segoridhe munzizi izvo zvisingabvumirwe nemutemo.

Hatina kukwanisa kunzwa divi remakambani ekuChina ari muZimbabwe sezvo mutevedzeri wemutungamiri wesangano rinomirira makambani aya uye vari mutauriri wesangano reChinese Enterprises in Zimbabwe, Amai Shannel Liu vange vasati vapindura mibvunzo yedu pataenda pamhepo. Asi vanogara vachiramba kuti makambani avo anotyora miteo yenyika.

Nyanzvi munyaya dzematongerwo enyika dzinoti China ine nhoroondo yekubatsira vanhu vemuZimbabwe kutanga muna 1963 apo nyika iyi yakapa bato reZanu PF nezvombo zvekurwisa hurumende yehudzvanyiriri pamwe nekudzidzisa varwiri verusununguko muZimbabwe.

Pari zvino China ndiyo nyika iri pamusoro pakuita mabhizinesi muZimbabwe zvikuru munyaya dzezvicherwa zvakaita seLithium, Platinum, Gold nezvimwe.

Gore rino rava rechitatu Stanbic ichiita zuva reStanbic-China Day apo inounganidza makambani emuZimbabwe neekuChina kuti azeye nzira dzekuvandudza nekudyidzama pamabhizimisi avo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:30 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG