Mhemberero dziri kuenderera mberi muZimbabwe mushure mekunge chikwata chenyika chenhabvu chabudirira kuenda kuAFCON 2025, kechitanhatu kubva muna 1980 chichibudirira kuenda kumakundano makuru enhabvu yemuAfrica aya.
Zimbabwe National Soccer Team yakabudira kuenda kumakwikwi ekupedzisira eAFCON 2025 achaitirwa kuMorroco mushure mekuita manganghe 1-1 neKenya mumutambo wakatambirwa kuPolokwane nezuro.
Makwikwi eFCON2025 ane zvikwata makumi maviri nezvina.
Zimbabwe yava mapoinzi mapfumbamwe, mapoinzi maviri pasi peCameroon iyo iri kuendawo kumafainari uku.
Mutambi weMotherwell kuScotland, Julius Masvanhise, ndiye akanwisa chibodzwa chakaendesà chikwata chenyika kuMorocco
VaAdomso Mukwasi, avo vaitungamira chikwata chevatsigiri venhabvu kumutambo uyu kuPolokwane, vanoti vari kufara nenyika yese iri kufara.
"Tiri kufara, Zimbabwe yadadisa. Yadadisa chaizvo. 2025 tirimo muAFCON imom, tirimo," vanofara VaMukwasi.
Aimbobatira Caps United uyezve akatora mukombe weligj muna 1996, George Mudiwa, anoti maWarriors akafadza uye chishuwiro chake ndechekuti Zimbabwe iiswe mugungano riri nani kumafainari kwairi kuenda uku.
"Tabudirira kuenda kudai timu yedu irikutamba zvakanaka. Iri kutamba zvakanaka kudaro, ndinovimba kuti kuAFCON ikoko, tikaiswa mugungano riri nani tinoenderera mberi. Kana muma semi fainari chaimo tinosvika," anodaro Mudiwa.
Aka kave kechitanhatu maWarriors achibudirira kuenda kuAfcon mushure mekuita izvi zvekare muna 2004, 2006, 2017, 2019 na 2022.
Asi pese apa Zimbabwe yakakundikana kubudirira kusvika munharaunda yechipiri kubva mumagungano.
Murairidzi wezvemitambo, Edmore Mutetwa, anoti kuti Zimbabwe idarike payakagumira apa panoda gadziriro yakasimba nemitambo yekuedzana masimba nezvikwata zvenyika dzine mazita mumhabvu
"Tinoda gadziriro yakasimba kwete zvekutamba nanaHarare City kana ana Dynamos. Kwave kuda kugadzirira nezvikwata zvine mazita kwete ana Mozambique. MaWarriors anofanira kupinda mukamba paine nguva zvekare," anodaro Mutetwa.
Muongorori wemutambo wenhabvu, VaNazzy Moyo, vanowedzerawo vachiti parikudiwa kutsvagwa mari yemuhoro yevatambi vari kuMorocco kuitira kuti vatambe nemoyo wese kwete zvekumboramwa basa sezvanga zvichiitika makore apfuura.
"Tiri kuda kuti Zifa ikwanise kutaura nemakambani kuti abatsire vakomana ava nemari. Vakomana ava vanodiwa kuti pavanenge vachitamba pfungwa dzavo dzinge dzakagadzikana kuti vatambe vakasununguka," vanodaro VaMoyo.
Kekutanga, Zimbabwe ichange iine murairidzi wemhiri kwemakungwa Michael Nees wekuGermany uyo iri kuenda naye kumafainari eAfcon aya.
Pese paienda Zimbabwe kumakundano aya, yanga ichitungamirirwa nevarairidzi vemuno, Sunday Chidzambwa kaviri, Charles Mhlauri, Kalisto Pasuwa, naNorman Mapeza.
Iko zvino Zimbabwe yananga kuYaounde kuCameroon uko aine mutambo wekugumisira weGroup J neCameroon uyo uriko nemusi weChipiri.
Ikapedza neCameroon, Zimbabwe inenge yotarisana nemitambo ye2026 World Cup iyo iri mugungano rimwe chete neBenin, Lesotho, Nigeria neSouth Africa.
Forum