Accessibility links

Breaking News

Nyika Dzichiri Kubudirira Dziri Kuda 1,3 Trillion Kubva Kune Dzakabudirira Kugadzirisa Dambudziko reKushanduka kweMamiriro eKunze


Misangano yeUnited Nations yakanangana nekushanduka kwemamiriro ekunze iri kuenderera mberi kuBaku, Azerbaijan nhasi pachiyedza kugadziriswa kusawirirana panyaya yekupa nyika dzichiri kubudirira mari yekuchenesa mweya wekufema uye kugadzirisa matambudziko ari kuunzwa nekuchinja kwemamiriro ekunze.

Mukuru mubazi rezvekushanduka kwemamiriro ekunze kana kuti United Nations Climate Change VaSimon Stiell vakurudzira vari kuzeya nyaya iyi kuti vamire kuita zvedambe asi vatarisana nemusoro wenyaya chaiwo vonyorerana chibvumirano.

Makurukota ehurumende anoona nezvekushanduka kwemamiriro ekunze ndiwo ari kuzeya nyaya iyi vatungamiri vadsati vauya kuzoipeta.

Nyika dzakabudirira dzinoti dzinoda mari inosvika $1.3 trillion kuti dzigadzirise matambudziko aunzwa nekushanduka kwemamiriro ekunze zvichikonzerwa kunyanya nenyika dzakabudirira dzinenge dzichisvibisa mweya wekufema nemaindusrty adzo.

Nyika dzakabudirira hadzisati dzazivisa kuti dzinoda kubatsira nemari yakawanda zvakadii. Vatungamiri venyika dzakabudirira vacho vari kuBrazil kuri kuitwa musangano wenyika makumi maviri dzakabudirira kana kuti G20.

Biden- Amazon
Biden- Amazon

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vakasvika nezuro vakavawo mutungamiri wenyika yavo wekutanga kuenda kusango reAmazon sekuratidza kuzvipira kwavo kurwisa yyaya yekushanduka kwemamiriro ekunze.

Forum

XS
SM
MD
LG