Vanachiremba vepachipatata cheParirenyatwa Group of Hospitals vakabatana nevamwe vanachiremba wekuEgypt vakaparurazve hurongwa hwekuvhiya nekurapa vana vane chirwere chemoyo kana kuti pediatric heart surgery. Zimbabwe yainge yambomira kuvhiya vana moyo kwemakore mashanu adarika nenyaya yekushaya zvikwanisiro.
Hurongwa hwekuvhiya vana uyu wakatanga musi wa11 ukapera musi wa15 Nyamavhuvhu uye vaive mushandirapamwe pakati pesangano regift of Life International, vanachiremba vemunyika uye sangano reRotary Club Harare navanachiremba vane hunyanzvi hwekuvhiya moyo kubva kuCairo University kuEgypt. Vana gumi ndivo vakakwanisa kuvhiyiwa nekurapwa moyo panguva iyi. Vana ava vane makore aitangira pamaviri.
Nyanzvi munyaya dzezvirwere zvemoyo vari mukuru webazi rinoona nezvechirwere ichi pachipatara cheParirenyatwa Dr Percy Simukai Machawira vaudza Studio 7 kuti hurumende yakavapa mari inosvika zviuru mazana matanhatu nemakumi mashanu kana kuti US$650, 000 yakanangana nekuvhiyiwa kwevana pahurongwa uhu asi vanoti panodiwa mari yakawanda.
Vaenderera mberi vachiti nyanzvi dzinorapa matenda emoyo munyika dzishoma zvekuti hadzikwanise kubatsira varwere vose.
Dr Muchawira vakurudzira vabereki vane vana vane chirwere chemoyo kuti vakurumidze kuenda kuchipatara. Vapa muenzaniso wezvimwe zvinokonzera chirwere ichi.
Vati zvakakosha kuti vatori venhau vabatsire kuzivisa vanhu nezvechirwere ichi.
Nyaya yekushaikwa kwezvikwanisiro munyika yave kupa kuti vamwe vabereki vaende kunorapisa vana kunze kunyika dzkaita seIndia, South Africa neItaly. Mumwe mubereki akaenda kunorapisa mwana kunyika iyi ndiAmai Tendai Chatikobo avo vati.
Vati zvirongwa zvakaita sechakaitwa svondo rapera ichi zvinobatsira zvikuru vabereki vakaita saivo sezvo mwana wavo achiri kurwara.
Sachigaro weRotary Club of Harare VaTember Banda vanoti munyika mune vana chiuru chimwe chete nemazana mashanu vanozvarwa vaine chirwere chemoyo.
Vatiwo vanhu vanodarika zviuru zvisere kana kuyi 8,000 vanorarama nechirwere chemoyo. Vatiwo Egypt ndiyo nyika yemuAfrica yekutanga kubatana nenyanzvi dzemunyika kurapa vana vane chirwere chemoyo.
Forum