Zimbabwe inonzi yawana rutsigiro rwakasimba kubva kumunyori mukuru weCommonwealth ave kusiya basa Amai Patricia Scotland kuti idzoke mugungano iri. Gungano iri rine nyika makumi mashanu nenhahatu dzizhinji dzachop dzaive pasi pehutongo weBritain.
Zimbabwe yakambomiswa kuva nhengo yeCommonwealth muna 2002 ichipomera mhosva yekudeura ropa musarudzo.
Asi Zimbabwe yakazobuda yazobuda yega mugungano iri muna 2003 zvave kubudawo pachena kuti gungano iri rainge risina hurongwa hwekuidzora.
Asi kunyangwe vaongorori vesarudzo veCommonwealth vari kuti sarudzo dzegore rapera hadzina kuitwa zvakanaka, Amai Scotland vari kuti mugwaro ravakatumira kunyika dziri mugungano iri Zimbabwe yayedza kugadzirisa zvimwe zvange zvichinetsa.
Vanoti havo kunyangwe pachine zvimwe zvinoda kugadziriswa zvakaita sekusungwa kwevanhu nezvenyaya dzematongerwo enyika, kushungurudzwa kwevemasangano akazvimirira oga, nyika dzakawanda dziiri kuti Zimbabwe idzorwe mugungano iri kuti zvibatsire munyaya dzehutongo hwejekerere.
Asi vanorwira kodzero dzevanhu nevanopikisa vanoti havaone izvi zvichibatsira.
Mutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba vakaudza Studio 7 kuti vari kutarisira kudzokera muCommonwealth vachiti havanei nezviri kutaurwa nevanopikisa.
Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi bebudiriro vari kuchipangamazana kumakambani akawanda Muzvare Chenayi Mutambasere vanoti Zimbabwe Hapana chinobatika chayaita kuti idzorwe muCommonwealth.
Forum