Dare reInternational Criminal Court kana kuti ICC razivisa kuti riri kuda kusunga mutungamiri wehurumende yeIsrael VaBenjamin Netanyahu nevaive gurukota rezvekudzivirirwa kwenyika yavo VaYoav Gallant vari kupomerwa mhosva dzehondo dzekuponda vanhu vemuGaza vachirwisa chikwata cheHamas.
Mumashoko padandemutande reICC, dare iri rati mhosva dzevaviri ava dzinosanganisira kunyima vanhu vemuGaza zvekudya senzira yekushandisa chikafu sembato muhondo uye dzimwe mhosva dzakaita sekuponda vasina mhaka.
Mhosva idzi dzinonzi dzakaparwa kubva musi wa8 Gumiguru gore rapera kusvika muna Chivabvu gore rino.
Vachitaura vari kumahofisi avo, VaNetanyahu vashora zvikuru ICC vachiti iri kutaura manyepo. VaNetanyahu vakatiwo Israel iri kuyedza kuzvidzivirira kubva kuchikwata cheHamas.
ICC yatiwo inodawo kusunga mukuru weHamas, Muhammad Dief nemhosva dzekuponda nekupamba vanhu. Izvi zvinotevera kuurayiwa kwevanhu chiuru chimwe chete nemazana maviri muIsrael zvakakonzera kurwisana kwave kuitika.
America inoti chikwata cheHamas chinopfurikidza mwero.
Forum