Mutongi wedare ramejastiriti Amai Feresi Chakanyuka varamba kutambira chikumbiro chaMuzvare Marry Mubayiwa avo vaive mudzimai wemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga chekuti nyaya yavari kupomerwa iraswe sezvo vave kurwara zvakanyanya.
Muzvare Mubayiwa ari kurwara nechirwere chinokonzera kuzvimba kwemakumbo nemaoko kana kuti “lymphodema”. Vakaisa chikumbiro chavo kumatare kuburikidza negweta ravo Amai Beatrice Mtetwa. Amai Mtetwa vanoti zvave kunetsa kuti Muzvare Mubayiwa vave kudze zvekutaura kuti vazvidzivirire.
Asi mutongi wedare ati chakanonotsa Nyaya iyi ndiMuzvare Mubayiwa. Izvi Amai Mtetwa vati hazvinwisisike nekuti kutadza kuuya kumatare kwaMuzvare Mubayiwa kuti kukonzerwa nekuti vanenge vachirwara.
Amai Mtetwa vati, “Mutongi ari kuti Marry ndiye ari kupa kuti Nyaya inonoke kutongwa nekuti anenge achirawara ari muchipatara.” Vaenderera mberi vachiti. “Izvi zvinhu zvandatadza kana kunzwisisa, zvinozivikanwa kuti ari kurwara, kana muutongo wavo vatenda kuti vari kurwara, asi kuzoti ndiye ari kunonotsa kutongwa kwenyaya zvinokatyamadza.”
Muzvare Mubayiwaa nekunyimwa mukana wekunorapwa kunze vakatodimurwa gumbo neruoko. Vari kupomerwa mhosva yekuda kuuraya VaChiwenga. Vari kupomerwawo mhosva yekuburitsa mari munyika zvisiri pamutemo.
Forum