Accessibility links

Breaking News

Sangano reCentre for Research and Development Roronga Kuenda kuParamende neNyunyuto Pamusoro peKucherwa kweGoridhe muNzizi


Vari kuchera goridhe munzizi vanonzi vari kusiya makomba asina kufushirwa.
Vari kuchera goridhe munzizi vanonzi vari kusiya makomba asina kufushirwa.

Sangano rinoona nezvenharaunda nekodzero dzevanhu, re Centre for Research and Development, rinoti neMuvhuro uno riri kuenda kudare reparamende kunosiya gwaro renyunyuto riri pamusoro pemachererwo arinoti ari kuitwa zvicherwa munzizi mudunhu reManicaland.

Mukuru wesangano iri, VaJames Mupfumi, vanoti sangano ravo rakatoburitsa gwaro reongororo yekucherwa kwegoridhe murwizi Mutare kusina tsarukano vachiti ongororo yavo yakaburitsa kuti kwanga kuine makambani akati kuti anga achichera murwizi zvisina magwaro emutemo.

"Takatarisana nedhizasita kana pakasatorwa matanho nekukasika nekuti iye zvino muZimbabwe ino inguva yekunaya kwemvura. Mvura yakanaya kudaro rwizi haruzi kufamba. Ende hapana matanho atiri kuona kuti rwizi rwugadziriswe. Ndosaka iye zvino tiri mubishi rekuti titarisane nedare reparamende kuti vange vachitaura nemakurukota ehurumende kuti patorwe matanho," vanodaro VaMupfumi.

VaMupfumi vanoti sangano ravo rakabatana nevagari rakatombosvitsa nyunyuto kuhurumende zvakazoita kuti kuti patorwe matanho kanokwana kaviri ekuedza kumisa kucherwa uku, izvo zvakazoita kuti vaichera ava vangosiya makomba nematutu evhu izvo zvave kutadzisa mvura kuerera zvakanaka.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo takundikana kubata bazi rezvemigodhi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG