Accessibility links

Breaking News

Aive Mutori weNhau weStudio 7 Mushakabvu Yasini Ocherechedzwa neAmnesty International


Lucy Yasini
Lucy Yasini

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose reAmnesty International nezuro rakacherechedza nekuremekedza mabasa akaitwa nemutori wenhau weVOA Studio 7 mushakabvu Lucy Yasini.

Vachitaura pamhemberero dzekucherechedza mabasa anoitwa nevatori venhau mukuburitsa nyaya dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu, mutungamiriri weAmnesty International Zimbabwe Amai Lucy Masuka vakakurudzira vatori venhau munyika kuti vadzidze kubva kumabasa amushakabvu.

Vakati, “Kana munhu achinge abuditsa nyaya ari mutapi wenhau anogona kusvika pakuti kodzero dzake iye dzigone kutombunyikidzwa.” Venderera mberi vachiti, “Asi izvozvo hazvafaniri kukonesa basa rekutapa nhau kuti rienderere mberi uyewo Lucy akatipa mucherechedzo wakanaka nekuti akaramba achiita basa rake zvisinei nemamiriro ezvinhu,”

d
d

Mwana wamushakabvu Yasini, VaCharles Muzhanye, avo vakatambira mubairo wakapiwa amai vavo vakati, “Ndinonzwa kufara zvikuru.” Vakatiwo, “Basa raitwa neAmnesty rinoratidza kukosha kwange kwakaita basa raAmai vangu maererano nenyaya dzavainyora vachibatanidza nezvekuremekedzwa kwekodzero dzevanhu. Zvavaiita zvaibata hupenyu hwevanhu vakawanda.”

Mumwe wevatori venhau vechidiki akakokwawo kumhemberero idzi, Thandiwe Garusa, akatendawo mabasa akabatwa naYasini achiti, “Ange ari munhu aidzidzisa kuti nhau dzinotorwa sei uye unozvimiririra sei pakodzero dzako.” Atizve, “Aikurudzira hushingi, aikurudzira kusatya pakuita basa.”

Vachitaurawo neStudio 7 pachiitiko ichi, sachigaro weAmnesty International Zimbabwe zvakare vari mukuru wesangano reGender and Media Connect Muzvare Patience Zirima vakati Yasini, “Aikwanisa kupanga mazano nevana vasikana vachangotanga kupinda basa rekutapa nhau achivadzidzisa kuti mubasa rekutapa nhau makamira sei. Aivabatsirawo kuti vakasangana nezvimhingamupinyi zvakaita setanga wandida pabasa vanoita sei.”

Yasini akatanga kushandira Studio 7 mugore ra 2010 kusvikira ashaya musi wa 18 Chikumi gore rino.

Mushakabvu akashandirawo nhepfenyuro yeZBC, SABC News nemamwewo masangano enhau akasiyana siyana.

Yasini ainyora nyaya dzezve matongerwo enyika, dzinoenderana nekutyorwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe uyewo nyaya dzezvehutano nezvimwe.

Mushakabvu ndemumwe wevatori venhau vakamboshungurudzwa nemapurisa kusanganisira kurohwa nekuvhunditsirwa ari pabasa rake.

Aka ndeke kutanga, Amnesty International Zimbabwe ichicherechedza vatori venhau vanonyora vachikurudzira kuremekedzwa kwekodzero dzevanhu muZimbabwe.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG