Apo vemabhizimisi neveruzhinji vari kuchema kuti kudzimwa kwemagetsi munyika kwave kukakanganisa hupfumi nemararamiro avo, gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vanoti kunyange hazvo vachitarisira kuti huwandu hwemagetsi huchakwira nezvikamu gumi nechimwe kubva muzana gore rinouya, kushomeka kwemagetsi kucharamba kuripo kusvika muna 2030.
Vachiparura bhajeti regore rinouya nezuro, VaNcube vakabvuma kuti nyika ine dambudziko remagetsi izvo zviri kukanganisa hupfumi hwenyika.
Muzvinabhizinesi uye vakambove mutungamiri wesangano Confederation of Zimbabwe Industries, VaCallisto Jokonya, vati kubvumakwaVaNcube kuti pane dambudziko asi pasina matanho akajeka ekurigadzirisa dambudziko iri, hazvibatsiri. VaJokonya vati, “Zvakakanaka kuti Minister vanozviziva kuti magetsi anodihwa asi hatina humbowo hwekuti vari kugadzirisa zvinhu.”
Mamwe matanho akataurwa naVaNcube anosanganisira kukurudzira makambani kuti avake zvigayo zvawo zvemagetsi uye vakati makambani anoita izvi haabhadhare mutero pamichina yekuita izvi yaanotenga.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi vachishanda nesangano reConfederation of Zimbabwe Retailers, VaTapiwa Marimo, vaudza Studio 7 kuti iri idanho rakanaka kunyange hazvo vaitairisira kuti paitwe zvakwanda kugadzirisa dambudziko rekushaikwa kwemagetsi. VaMarimo vati, “Izvi zvichachengetdza mari dzakawanda idzo dzichazoshandiswa muzvirongwa zvekugaya magetsi.” Vaenderera mberi vachiti, “Ndinofunga kuti ichochi chinhu chakakosha chichabadzitsiridza kuvandudza mabasa ekuwanisa nyika yedu magetsi.”
Vaenderera mberi vachiti vanotarisira kuti dambudziko remagetsi rinogona kupera nekukasika kana mvura ikanaya yakawanda sezvo nyika ichiwanawo magetsi kubva kumvura.
Gurukota rezvemhando dzemoto, VaEdgar Moyo, vakazivisa paramende svondo rapfuura kuti gwenya repaKariba South iro rinogaya 1050 megawatts kana richishanda zvakanaka riri kugaya 100 megawatts chete pazuva nekuda kwekushomeka kwemvura.
Vakatiwo zviteshe zvemagetsi paHwange 7 neHwange 8 zviri kuburitsa 640 megawatts chete pazuva.
Vakati izvi zvave kuita kuti nzvimbo zhinji munyika dziwane magetsi kwemaawa mashona kana kutoshaya magetsi zuva rese sezvo nyika ichida 2000 megawatts kana kudarika pazuva.
Nhengo inoshanda nesangano reWedza Residents Development Trust, VaGeorge Makoni, vaudza Studio7 kuti vange vakatarisira kuti hurumende ikoshese nyaya dzemagetsi pabhajeti ra 2025 nekuti zviri pachena kuti ZESA iri kutadza kuita basa rayo nepamusana pekushaya mari. VaMakoni vati, ‘Ndinoona sekuti pazvinhu zvese dai nyaya yemagetsi yaiswa pamusoro nekuti inobata nyaya dzehutano, dzidzo uye zvave kuvhiringidza maramire aei kuita vanhu.’
Sangano rinomirira mabhizimisi reZimbabwe National Chamber of Commerce svondo rapfuura rakati rinotyira kuti imwe kambani yekuChina yakagadziridza zviteshe zvemagetsi pa Hwange 7 ne Hwange 8 inogona kudzima magwenya aya sezvo ZESA iri kutadza kubhadhara chikwereti chainacho kumbani iyi.
ZESA inonzi ine chikwereti chemadhora ekuAmnerica mabhiriyoni maviri kumbani iyi nemamwe icho yave kutadza kubhadhara.
Hatina kukwanisa kunzwa kubva kuZESA asi mumwe mukuru mukambani iyi akataura akamirira mukuru weZESA, Va Sydney Gata, VaEliab Chikwenhere, vakaudza paramende nguva pfupi yapfuura kuti ZESA yave kutadza kubhadhara zvikwereti zvayo nekuti iri kuwana mari shoma.
Vakati ZESA iri kuwana US$55 million mwedzi wega wega iyo ichifanira kubhadhara chikwereti zveUS$36 million pamwe nekuzosara nemari yekushandisa.
Asi vanoongorora nyaya dzehupfumi uye vakamboshanda mubazi rezvemari, VaMasimba John Manyanya, vaudza Studio 7 kuti nyaya dzehuwori ndidzo dziri kuita kuti ZESA itadze kuita basa rayo nemazvo. VaManyanya vati, “Tinopedzisira taamudambudziko rekuti tinongoramba tiri muzvikwereti nekuti vanhu vatakapa mukana wekutungamira makambani edu akaita sana ZESA havagoni kuita basa ravo.”
Nyanzvi dzinotiwo dambudziko remagetsi rakura munyika nekuti pave nenguva pasina kuvakwa magwenya matsva emagatsi uye mazhinji acho aripo asakara.
Zimbabwe inowana magetsi ayo akawanda kubva mumarasha kuHwange nemumvura kubva kuKariba.
Forum