Accessibility links

Breaking News

Mukuru weILO Ari Kushanya muZimbabwe Anokurudzira Kuderedzwa kweMusiyano Pakati peVanowana neVanoshaya


Le nouveau directeur général de l'Organisation internationale du travail (OIT), Gilbert Houngbo, pose après son élection le 25 mars 2022 à Genève. Houngbo, ancien premier ministre du Togo, a été élu à la tête de l'Organisation internationale du travail et
Le nouveau directeur général de l'Organisation internationale du travail (OIT), Gilbert Houngbo, pose après son élection le 25 mars 2022 à Genève. Houngbo, ancien premier ministre du Togo, a été élu à la tête de l'Organisation internationale du travail et

Mukuru wesangano reInternational Labour Organisation (ILO), VaGilbert Houngbo, avo vari kushanya munyika kwemazuva maviri vachiongorora matambudziko akatarisana nevashandi, vanoti zvakakosha kuti hurumende, vemabhizimisi pamwe nevashandi vaite mubatira pamwe mukuderedza musiyano pakati pevanowana nevanoshaya uyo vati uri kuramba uchiwedzera.

Vachitaura mushure memusangano wavaita nehurumende, vashandi nevemabhisimisi muHarare nhasi, VaHoungbo vati vashandi vanofanira kupihwa mihoro inoita kuti vakwanise kuchengeta mhuri dzavo vachiti vemabhizimisi, vashandi nehurumende vanofanira kugara vachitaurirana kuti izvi zviitike.

“Ndinokukurudzirai mese kuti mushande pamwe chete kuti muone kuti chimangaite chinobatsira vanhu munyika yenyu.”

VaHoungbo vatiwo musiyano pakati pevanowana nevanoshaya uri kuwedzera zvikuru sei munyika dzine hurombo nedzine hupfumi huri pakati nepakati.

Vati kunyange hazvo muZimbamwe muine matambudziko akaita senyaya dzemari zvakakosha kuti vanhu vave nevimbo nemari yavo yeZimbabwe Gold vachiti semaonero avo zvinhu zvave nane kudarika zvazvaive makore mashanu apfuura apo vakapedzesera kuuya munyika.

Mutungamiriri weZimbabwe Congress Trade Unions of Union, Amai Folerencce Taruvinga, avo vapindawo mumusangano naVaHoungbo vati vatora musangano wanhasi kuvazivisa nezvematambudziko akatarisana nevashandi pamwe nezviri kuitwa nehurumende zvisingafambirani nezvinodiwa neILO.

Vati vanotarisira kuti VaHoungbo vachasvitsa zvichemo zvavo kumutungamiriri wenyika, VaEmmesrona Mnagangwa, pavachashangana mangwana.

“Chekutunga chinozivikanwa nemhunhu wese inhau yehurombo hwevashandi vemuZimbabwe munyika inoshandisa mari yayo asi vezvitoro vachida mashora ekuAmerica. Hurombo zvekare hunokonzera matambudziko akawanda kumabasa”

Vachitaurawo mushure memusangano wanhasi, mutungamiriri wesangano rinomirira vashandirwi reEmployers Confederation of Zimbabwe, VaDemos Mbauya, vati vakazvipira kuita nhaurirano nevashandi nehurumende kunyange hazvo vakaomerwa nenyaya dzakaita sekushaikwa kwemari yekunze nekushaikwa kwemagetsi izvo zvinokanganisa mabhizimisi.

“Chikuru chabuda mumusangano wanhasi ndechekuti tingaite sei sevana veZimbabwe kuti tideredze musaiyano uri pakati pevapfumi. Tinogona kutarisa kuti matambudziko anokonzeera izvi akaita semutengo yezvinhu, kuvepo kwemari yekunze kwenyika kuti amakmabani anoda kutenga anokwanisa kuiwan tichatarisawo kuti vanhu vanotambira mari dzakaita sei.”

Gurukota rezvevashandi, VaJuly Moyo, vaudza Studio 7 kuti musangano uyu wapa VaHoungbo mukana wekuona kuti hurumende, vashandi nevambhizimisi vanoshanda sei vachiti pane dzimwe nyaya dzinongomhan’arwa kuILO asi ari manyepo.

Vatiwo kunyange hazvo Zimbabwe isiri nyika yakapfuma, hurumende inokurudzira nhaurirano nevashandi pasi peTripartite Negotiating Forum.

“Isu tinotova nyanzvi pakuti hapana musiyano wakakura pakati pevapfumi vakafumisa nevarombo izvi tinozvipedza nekuti vanhu vanoiyta nhaurirano muhurumende nemumakambani akazvimirira.”

Asi Amai Taruvinga naVaMbauya vatiwo kunyange hazvo vachipinda munhaurirano dzeTNF, havafari kuti dzimwe nguva hurumende inongoita zvinhu yega isina kunzwa pfungwa dzevashandi.

Vati nhaurirano dziri kuitwa asi hadzisati dzasvika pavanoda.

Vashandi vakawanda munyika vanoti vakatarisana nenyaya yemihoro isingakwane pamwe nekutambira mihoro nemari yemuno asi vezvitoro makamabani akawanda nemapazi ehurumende vachida kubhadharwa

Panyaya yekuti Zimbabwe ichatora hutungamiriri hweILO General Assembly gore rinouya, VaMoyo vati urwu ruremekedzo rukuru ruchapihwa kuZimbabwe.

ILO ine nyika zana nemakumi masere nenomwe, kusanganisira Zimbabwe, dzinove nhengo dzesangano iri.

Sangano iri rakavambwa muna 1919, uye muzinda waro uri muGeneva ku Switzerland.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:52 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG