Accessibility links

Breaking News

Madzishe neVamwe Voshora Kusaremekedzwa kweDzimwe Nzvimbo dzeMunyika Dzinoyera


Bako reChirorodziva kana kuti Chinhoyi Caves.
Bako reChirorodziva kana kuti Chinhoyi Caves.

Madzishe nevamwe vanhu munyika vari kushora zvikuru kufumurwa kwavanoti kwave kuitwa dzimwe nzvimbo dzavanoyeresa kunyangwe paine vamwe vari kuti dzinofanira kuvandudzwa kuti dzikwezve vashanyi vanounza mari munyika.

Vagari nemadzishe aya vanoti nzvimbo dzavaiyeresa nguva yakare nekuda kwechivanhu chavo hadzichayereswa izvo vanoti zvave kuita kuti vasangane nematambudziko akawanda munzvimbo dzavanogara akaita sekusanaya kwemvura zvakanaka, kufa kwevanhu nezvipfuwo pamwe nekuwanda kwazvirwere zvisinga nzwisisike. Nzvimbo dzaiyera dzinosanganisira mapako, makomo, nzizi, miti nedzimwe dzainge dzakaitirwa mabasa makuru.

Vagari venzvimbo idzi vanoti vaiyeresa nzvimbo idzi nekuda kwekutenda kwavo muchivanhu uye pane zvakanaka zvavaiwana mukuyeresa nzvimbo idzi zvakaita semukwerera kukumbira mvura yekunaya vachipihwa, kupihwa zvekudya nguva yenzara, kuchengetedzwa kuvavengi pamwe nezvimwe.

Imwe nzvimbo inonzi yaiyera mapako eChirorodziva ari muChinhoyi anozivikanwa nerekuti Chinhoyi caves.

Mushandi wesangano rinoona nekuchengetedzwa kwezviwanikwa munyika reZimParks VaNyasha Nhemo vanoti mapako ayireswa nekuda kwezvakawanda zvinosanganisira chitubu chemvura munonzi makafira vanhu vakawanda muhondo dzepasi chigare uye mapako aihwanda vagari venzvimbo kubva kuvavengi vainge vauya kuzovapamba.

VaNhemo vanotiwo pane muti weMuonde paipihwa vanhu vemunzvimbo iyi zvekudya vakateketera.

“Wainzi muti wesadza nekuti kudhara madziteteguru edu vaiti vakauya pano paMuonde uyu vokumbira sadza vaitopihwa,” VaNhemo vanotsanangura.

VaNhemo vanoti kuyereswa kwenzvimbo iyi kwarerutswa nemaitiro evanhu.

VaNhemo vanoenderera mberi, “Isu vemazuva ano haticharemekedze nzvimbo ino nekupinda tiine butsu uye takapfeka nguwani pamwe pacho tinotoitira weti mumapako munoyera.”

Mambo Mbire VaClemence Nembire vekuMashonaland East vanoti munzvimbo mavo mune muti weMuhacha unofungidzirwa kuti une makore anopfuura mazana mashanu waibuda sadza nguva yakare.

Mambo Mbire vaudza Studio 7 kuti, “Makarekare vanhu vaiti vakasvikapo vaine nzara vakaombera, nyama, zvekudya zvaibva zvati rikiti vanhu vodya votosiya.”

Mambo Mbire vanoti zvinhu zvaiyereswa hazvicharemekedzwi sezvo pasi parohwa nenyundo.

Asi Jinda raMambo Nemagonde VaWilson Nemakonde vanoti vachiri kuyeresa mapako eChinhoyi.

Chinhoyi Caves muZimbabwe.
Chinhoyi Caves muZimbabwe.

Mudzidzisi wepaChinhoyi University of Technology, CUT, VaJulius Nyamubaya, avo vakadzidza zvetsika nemagariro evanhu, vanoti nzvimbo dzakawanda hadzichayeri nekuda kwekuraswa kwetsika.

“Ndizvo zvakafanana nenzvimbo dzaimboyera mukaregedza kuyeresa kwacho nechivanhu chacho mweya yacho inotama, inoenda,” VaNyamubaya vanodaro.

VaNyamubaya vanoti paChinhoyi Caves chinoeresa chacho chakaenda nekuda kwezvivakwa zvakaiswa zvakaita semasimbi ekubatira kana munhu achifamba mumapako, kuiswa kwemagetsi pamwe nekuvakwa kwepekutsikira pakanaka.

VaNyamubaya vanotiwo yave nzvimbo yekutandarira vanhu vachiita zvose zvose zvinodzinga huyereswa hwenzvimbo.

“Vamwe vave kuuya vachirezvana zvavo nekuti munotonhorera, vamwe vanouya uya kuzotorwa mifananidzo zvave kubvisa hureyeswa hwacho” VaNyamubaya vanoenderera mberi.

VaNhemo vanoti vakaisa masimbi, magetsi nepekutsika pakanaka kuti vanhu vasadonhe nekukuvara.

Asi mumwe wechidiki VaAndrew Kufandiko vanoti nzvimbo idzi dzinofanirwa kuti dzivandudzwe kuti vashanyi vauye kuti nyika iwane mari.

“Zvakakodzera kuti tiite zvekukwezva vanoshanya pane kuramba tichiita zvechivanhu zvisingatipe mari,” VaKufandiko vanopa pfungwa dzavo.

Dzimwe nzvimbo dzinoyera dzinosanganisira gomo reNyangani, rave kuzivikanwa nekuti ‘gomo rinomedza vanhu’ sezvo muchinzi makateterekera vanhu vasina kuzowanikwa vanosanganisira vanasikana vaviri vekwaMasaya, avo vakatsakatika muna 1981 mushure mekunge vaenda kunoshanya nevabereki vavo, uyewo chizvarwa chekuIndia chainzi Zayd Dada chakatsakatika muna 2014.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:05:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG