Musikana wechiki, Muzvare Thelma Majero, vane makore makumi maviri nemasere, 28, vanoti vakasiya basa ravaibhadharwa zviuru nezviuru zvemadhora ekuAmerica mushure mekungoshanda kwemwedzi mitatu chete kuOman mudunhu reMiddle East nokuti vaiva votadza kushanda kana vasina kumbonwa nekuputa zvinodhaka.
Mwanasikana uyu akazongofunga zvokudzoka kumusha, izvo zvakashamisa amai vavo vanoshanda kunze kwenyika avo vaiva vagara vachinyumwa kuti Muzvare Majore vaiputa nekunwa zvinodhaka.
Izvi ndizvo zvakaita kuti hanzvadzi dzake pamwe naamai vake varonge nerweseri kuendesa Muzvare Majero kunorapwa kuMubatirapamwe Trust kusvikira havi yavo yokuda zvinodhaka yapera zvachose.
Muzvare Majero vaitaura izvi pagungano remhomho yevanhu vakaungana paSt. Canicious Catholic Church iri kuWard 1 mudunhu reMalborough munguva pfupi yapfuura, uko kwakaendawo vanamati vepakereke iyi uye nevagari vemunharaunda.
Mwanasikana uyu anoti akashamiswa kuonawo mwana wake ane makore matatu ave kuteedzera matorerwo anoitwa mutoriro achibva abudira amai vake pachena kuti aive nedambudziko guru rekutora zvinodhaka.
Muzvare Majero vanoti nyaya yemwana ange aakuvatevedzera tsika yekushandisa zvinodhaka, ndiyo yakaita kuti vadudzire mai vavo chokwadi, ndokubva vaendeswa kuMubatirapamwe Trust kwavakanorapwa.
Muzvare Majero vakatsanangura kuti havana kudzingwa basa asi kuti vaiva vasisakwanise kuendera nebasa nokuti vaive vorwara nenyaya yokushaya zvinodhaka izvi mushure mwmwedzi mitatu.
Muzvare Majore vanoti vakashamiswa pavakaudzwa zvimwe zvezvinhu zvavaiita zvakaita sekutuka vanhu, kuba mari, nezvimwe zvisina maturo mushure mekunge vadzoka kumba kubva kuMubatirapamwe Trust kwavairapwa.
Mukuru wesangano reMubatirapamwe, Amai Christine Kiri Hurukuro, vanoti vechidiki varwadzisa vabereki munharaunda dzakasiyana siyana.
Amai Hurukuro vanoti vana vari kushandisa zvinodhaka ratove dambudziko riri kusangana nevabereki vakawandisa.
Kanzura weHarare West Ward 41 vasina bato ravakamirira, Amai Kudzai Kadzombe, vanoti dunhu reMarlborough ndiro ravashungurudza kudarika mamwe ose, zvikuru vagari vemuna Mapereke Avenue umo mune dzimba dzinozivikanwa nenyaya yekutengesa zvinodhaka izvi.
Kanzura Kadzomba vanoti mapurisa anomboedza kufambira nzvimbo idzi asi vanhu vacho vave kuziva mapurisa acho zvokuti vanofonerana vobva vafanotiza.
Vanoendera mberi vachiti chero mapurisa akauya asina kupfeka zvipfeko zvechipurisa, ave kuzivikanwa nokudaro zvakakosha kuti atsvage dzimwe nzira dzokusunga nadzo vanhu ava.
Mufundisi wepaSt. Canicious Catholic Church, Father Racious Mapfumo, avo vakaita hurongwa uhwu, vanoti vakuru veRoman Catholic Church munyika vari kukurudzira mafata kuti vashambadzire nekudzidzisa vanhu vanotengesa zvinodhaka izvi nokuti zviri kuparadza hupenyu hwevechidiki.
Gurukota rinoona nezvekufambiswa kwemashoko, VaJenfen Muswere, vanoti nyaya dzekuputa nekunwa zvinodhaka ratova dambudziko guru zvokuti vanhu vanodarika zviuru zvitatu vakasungwa zvokutovharirwa muchitokisi gore rino.
VaMuswere vaenderera mberi vachiti zvinofadza kuona kuti makereke ari kurwisawo hondo iyi sezvaitwa neCanisious Catholic Church, iyo yatora danho rokudzidzisa vatengesi vezvinodhaka munaMapereke Avenue kuMarlborough.
Forum