Accessibility links

Breaking News

Mukuru weILO VaHoungbo Vanopeta Rwendo Rwavo muZimbabwe vachisangana neMutungamiri weNyika VaMnangagwa


Mukuru weILO, VaGibert Houngbo.
Mukuru weILO, VaGibert Houngbo.

Mukuru wesangano reInternational Labour Organisation (ILO), VaGilbert Huongbo, vapeta rwendo rwavo rwemazuva maviri muZimbabwe neChipiri vachisangana nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Vachitaura nevatori venhau mushure memusangano wavaita naVaMnangagwa, VaHoungbo vati nyaya huru yavataura ndeyekuti kunyange hazvo mari yemunyika yeZimbabwe Gold (ZiG) yakatsigirwa negoridhe, inofanira kudzikamiswa kuti isimbe kuitira kuti vashandi vakwanise kuishandisa ichitambirwawo nyore.

“Tataurawo nezvenyaya yekuti ZiG inofanira kusimbaradzwa kuti isarambe ichiomesera vashandi uye kuti ikwanise kutenge pamwe nekuti vemabhizimiisi vanofanira kupihwa mukana wekuwana mari yekunze kuti vakwanise kuita basa ravo.”

Vati vafara kuti VaMnangagwa vatambira izvi vachiti ndosaka nhaurirano dzemihoro pakati pehurumende, vashandi, nevashandirwi dziri kuitwa pasi peTripartite Negotiating Forum.

VaHoungbo vatiwo VaMnangagwa vavaudza kuti masangano akaita seILO asapindira munyaya dzekudyidzana nedzimwe nyika dzakaita seyezvirango zvavati ivo VaMnangagwa zvakatamerwa Zimbabwe nedzimwe nyika, vachiti nyika iri kugadzirisa nyaya iyi.

“Vatiudza kuti masangano anomirira nyika dzakawanda pasi rese akaita seILO ngaarege kupindira munyaya dzezvirango asiye nyika ichigadzirisa nyaya iyi yega.”

Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa naVaJuly Moyo.
Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa naVaJuly Moyo.

Vati vavimbisa VaMnangagwa kuti vachaita basa ravo sezvakatarwa mubumbiro reILO uye vanoda kuramba vaine hukama neZimbabwe.

VaHoungbo vati vazeyawo nyaya yekuti vashandi vakawanda vari kubuda munyika vachinotsvaka mabasa kunze vachiti hapana chakashata kuita izvi asi panoda kuti zviitwe zvakarongeka kuitira kuti nyika ibatsirike.

Vati Zimbabwe iri kuwana mari yakawanda kubva kuzvizvarwa zvayo zviri kushanda kunze kwenyika.

VaHoungbo, avo vakasvika munyika nemusi weSvondo, vakasangana negurukota rezvevashandi nemabasa VaJuloy Moyo, vamiriri vemasangano anomiririra vashandi pamwe nevashandirwi vachinzwa zvichemo zvavo izvo vatura kumutungamiriri wenyika.

Vakafanobata chinzvimbo chemunyori mukuru musangano reZimbabwe Congress of Trade Unions, VaKudakwshe Munengiwa, avo vange vari muchikwata chaVaHoungbo chanoona VaMnangagwa kuState House, vaudza Studio 7 kuti vafara kuti VaHoungbo vasvitsa zvichemo zvavo zvese kuna VaManangagwa.

“Vane simba rekugadzirisa zvichemo zvedu ndivo vanotonga nyika ino, Director General vanokwanisa kungokurudzira chete kuti zvichemo zvedu zvigadziriswe. Zvichemo zvedu zvinosanganisira kusagadzikana kwemari yemuno nekusakwana kwemihoro, kushungurudzwa kwevatungamiri vevashandi nezvimwe, saka tinovimba kuti mashoko aya vaadaira vachiti kana gurukota rezvevashandi ratadza kugadzirisa zvichemo zvevashandi rinofanira kuzvisvita kwavari.”

Asi VaMnangagwa havana kutaura nevatori venhau mushure memusangano wavaita nemukuro weILO uyu.

Mukuru weILO VaHoungbo vachisangana naVaMnangagwa.
Mukuru weILO VaHoungbo vachisangana naVaMnangagwa.

Mutungamiriri wesangano rinomirira varairidzi reAmalgamated Rural Teachers Union of Zimbabwe, VaObert Masaraure, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vasina kupihwa mukana wekusangano naVaHoungbo, vange vakasvitsa zvichemo zvavo kuILO.

“Tinofara seARTUZ kuti tange takagara takasvitsa zvichemo zvedu tichichema nenyaya yekushungurudzwa kwatinoitwa nehurumende yeZimbabwe, kuendeswa kumatare tisina mhosva dzatapara, kudzingwa mabasa nezvimwe zvakadaro. Tiri kumirira mukana wekuti tinge tichigara pasi nehurumende sezvo iriyo yakazokumbira kuti nyaya idzi tidzigadzirise nenhaurirano.”

Vemabhizimisi munyika havasi kufarawo nenyaya yekuti vari kushaya mari yekunze kwenyika yekushandisa mubasa ravo uyewo magetsi ari kuenda kwenguva refu izvo zvave kukanganisa basa rava.

NeMuvhuro, gurukota rezvevashandi VaMoyo vakati hurumende yakakoka VaHoungbo kuti vazoona mashandiro ainoita pamwe nevashandi nevemabhizimisi, vachiti pane dzimwe nyaya dzinomhan’arwa kuILO dzisiri dzechokwadi.

ILO iri kukurudzira hurumende, vashandi nevemabhizimisi kuti vataurirane nekushanda pamwe chete sezvo ichiti kupokana kwavo kunogona kukonzera kusagadzikana munyika pamwe nekuwedzera musiyano pakati pevapfumi nevarombo.

VaHoungbo vakaberekerwa kunyika yeTogo uye ndivo mutema wekutanga kutungamira sangano reILO.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:06 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG