Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, muzuva ravo rekupedzisira murwendo rwavo rwemazuva matatu kuAngola, vashanyira nzvimbo yeLobito iri kumahombekombe kweAngola uko kuri kuvakwa njanji ichashandiswa kutakura zvinhu kubva mukati menyika kuenda kugungwa.
America yakapa chikwereti chemari inoita mamiriyoni mazana mashanu ane makumi mashanu nemashanu emadhora yekutsigira kugadiridzwa kwenjanji dzakareba makiromita chiuru nemazana matatu muZambia, Congo neAngola.
VaBiden vasanganawo nemutungamiri weAngola Va João Lourenço, mutungamiri weD-R-C Va Félix Tshisekedi, mutungamiri weZambia Va Hakainde Hichilema, pamwe nemutevedzeri wemutungamiri weTanzania VaPhilip Mpango.
Chirongwa chenjanji cheLobito Corridor chiri kutsigirwa neAmeria ichi chinonzi chakanangana nekusimudzira kutengeswa kwezvicherwa uye kuti America ikkwikwidzane neChina munyaya dzekutengeserana muAfrica.
Muna Gunyana wegore rino China yakanyorerana chibvumirano neTanzania neZambia chekumutsiridza njanji yeTAZARA.
Rwendo rwaVaBiden urwu rwakazobudirira mushure mekuvimbisa kwenguva ndefu kuti vachashanyira Africa.
Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachidzidzisa paTswane University of Technology muSouth Africa, Muzvinafundo Ricky Munyaradzi Mukonza, vanoti chinhu chakanaka kuti VaBiden vakwanisa kushanyira Africa vachiti zvinosimudzawo mukana mune zvemabhizimusi pakati peAfrica neAmerica.
Panyaya yemakwikwi ari pakati peAmerica neChina, Muzvinafundo Mukonza vanoti chinhu chakanakira nyika dzemuAfrica sezvo dzichizokwanisa kuita sarudzo yekuti dzidyidzana nenyika ipi mune zvemabhizimusi.
Asi vanoti makwikwi enyika mbiri idzi mune zvemabhizimusi haagone kupatsanurwa kubva munyaya dzezvematongerwo enyika sezvo zvinhu zviviri izvi zvichifambidzana.
Forum