Apo Zimbabwe iri kucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekudzivirira mhirizhonga yemudzimba, kana kuti 16 Days of Activism Against Gender Based Violence (GBV), vakaremara munyika vanoti vari kusanganawo nemhirizhonga iyi apo vanotadza kuita mamwe mabasa anoitwa nevasina kuremara.
Vamwe vakaremara vanoti vari kushungurudzwa zvikuru nemhirizhonga yemashoko nekutukwa nezvekuremara kwavo nekurohwa kana vachinge vatadza kuita mamwe mabasa nekuti vakaremara, sekutadza kutakura migomo, kuwacha kana kubika mudzimba dzavo.
Mumwe wevakadai, ndiAmai Nancy Maulana, avo vakaremara gumbo. Amai ava vanoti vanotukwa nezvekuremara kwavo pamwe nekurohwa dzimwe nguva nemurume wavo.
“Dzimweni dzenguva tinorohwa nemashoko, mashoko anotirova chaiko, pamwe ukakonewa mabasa aunofanira kuita sekuwacha nekusenga mugomo wotoudzwa kuti ndini ndokuitira zvese izvi wakutorohwa.”
Amai Agnes Gurune, avo vane husope, vanoti madzimai ane husope anosanganawo nemhirizhonga yemudzimba.
“ Gender based violence sevanhu vane Albinism tinosangana nayo zvakanyanyisa, unotonzwa waunogara naye achitokudza kuti wakatoita luck yekuroorwa neni nekuti kunze uko hapana anokuda,”
Mhirizhonga iyi haisi kumadzimai akaremara chete inosanganawo nevarume vakaremra avo vanoti vanoshungurudzwawo nevakadzai kana vatadza kuita mabasa avanofanira kuita semusoro wemba.
Mumwe wevakaremara VaMoses Chitombo avo vanofamba ne wheel chair vanoti kunyange vari baba vemusha vanosangana nemhirizhonga.
“Sevarume vari disabled mhirizhonga idzi dzinoti affecta zvikuru munongoziva sababa vane chigaro chavo chavakapuwa semukuru wemba, saka kuti vazocomanda simba ravo rechigaro chavo ivozve vachida rubetsero vanozo sungirwa mabrake kuti chiitaka, saka kodzero dzavo dzatombunyikidzwa ndogender based violance.”
Vanorwirwa kodzero dzevakarema musangano, reDisability Amalgamation Community Trust, VaHenry Chivhanga, vanoti vakaremara vazhinji havamhan’ari mhirizhonga nekutyira kuputsa dzimba dzavo uye kutadza kusvika kumakamba emapurisa.
“ nyaya iripo ndeyekuti vanoouya kumasangano edu vachitiudza asi kuti vanomhan’ara vashoma-shoma asi tovakurudzira kuti vamhan’are asi vanoti vakadaro vanozodii vane vana saka vanotsvira mumoyo”
Asi vakafanobata chigaro chemutairiri wemapurisa muMasvingo, Assistant Inspector Masauso Patinyu, vanoti vamwe vakaremra vanomhan’ara nyaya dzemhirizhonga uye vakurudzira vanhu kuti vamhan’are nyaya dzakadaro kana dzichinge dzaitika.
“Tinavowo vanhu vakaremara vane nemacases aripo, tine several cases, vamwe tiri kuvabatsira kuti vawane justice, kurudziro yedu ndeyekuti vanhu vese ngavauye nenyaya dzavo tizovabatsira.”
Asi VaPatinyu vanoti havana huwandu hwevanhu vakaremara pamwe nevamwe vakamhan’ara nyaya dzemhirizhonga yemudzimba gore rino.
Vatiwo vari kucherechedza mazuva aya vachiita zvirongwa zvechenjedzo kuvanhu kuti vasanyare kana kutya kumhan’ara nyaya idzi.
Munyori muhofisi yegurukota reMasvingo, Dr Admore Pazvakavambwa vati hurumende iri kuita zvironga zvekudzidzisa vagari vose munyika zvekuita kana vasangana nemhirizhonga.
“saka vakaremara varipowo padzidziso iri kuitwa nehurumende nekuti varimowo mudzimba dzavo padambudziko iri, ”
Hatina kukwanisa kuziva huwandu hwevanhu vakaremara vari mudunhu reMasvingo. Asi muZimbabwe yose vanhu vanosvika zvikamu gumi kubva muzana, vane hurema hwakasiyana siyana.
Zimbabwe yakaparura hurongwa hwe National Disability Policy muna 2021 nechinangwa chekubatsira vakaremara.
Asi vakaremara vakaita saAmai Maulana, VaChitombo nevamwe vanoti kunyange hazvo nyika iine mitemo inochengetedza kudzero dzevakaremara, vanhu vakaremara vachine matambudziko akawanda avanosangana nawo munyaya dxzehutano, dzidzo nekuwana mabasa nezvimwe.
Forum