Accessibility links

Breaking News

Sangano reEducate A Girl Foundation Roshanda neMasangano Akawanda muKurwisana neMhirizhonga yeMudzimba


16 Days of Activism Against Gender Based Violence
16 Days of Activism Against Gender Based Violence

Sangano reEducate A Girl Foundation rinoti riri kushanda nevanoshaya pamwe nevakatarisana nemhirizhonga uye rakabatanawo nemamwe masangano ari muZimbabwe mukupa dzidziso kuvagari vekumaruwa pamusoro pekushata kwemhirizhonga.

Mukuru wesangano iri, Amai Lucy Ndongwe Chikowero, vanove chizvarwa cheZimbabwe chinogara muguta reMadison mudunhu re Wisconsin muAmerica, vanoti vari kufara kuti sangano ravo riri kuita zvose izvi zviri kuitwa panguva iyo pasi rose riri kucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekupedza mhirizhonga yakanangana nemadzimai nevanasikana, kana kuti 16 days against gender based violence.

"Pari zvino tiri kushanda kumaruva eChimanimani (kuManicaland) tichipa zvidzidzo pamusoro penyaya yemhirizhonga nekuroodzwa kwevana vasati vabva zera, panguva iyo vanhu vari kucherechedza nyaya yemhirizhonga," Amai Chikowero vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG