Apo mapato anopikisa ari munyika dziri mudunhu rekuchamhembe kweAfrica ari kuchema kuti bato riri kutonga muZimbabwe reZanu PF riri kupindira munyaya dzezvematongerwo enyika idzi, bato iri rinoti richaramba rcihidzivirira mapato akaunza rusununguko munyika dziri muSADC arinoti ari kurwiswa nenyika dzekumawirira.
Vachitaura nenhepfenyuro yeZiFM Stereo, mushandi mukuru muhofisi inoona nezvekuburitswa kwemashoko muZanu PF, VaFarai Marapira vakati vamwe vekumawirira vari kurwisa kwazvo kuti kuti vaise dunhu reSADC pasi penyika dzekumawirira vachishandisa mapato anopikisa.
Bato reZanu PF riri kupomerwa nemapato anopikisa ari muMozambique, South Africa, Botswana neNamibia mhosva yekupindira musarudzo dzenyika idzi richitsigira mapato akaunza rusununguko.
Vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, Doctor Masimba Mavaza vanoti zviri pachena kuti Zanu PF munzwa chaiwo munyika dzekumadokero vachiti dzave kushandisa mari kune mapato anopikisa kuti dzikanganise bato iri pamwe nemamwe mapato akaunza rusunguko muAfrica.
Asi Doctor Mavaza vanoti bato ravo hariende kwarisina kukokwa vachiti vane hukama kwakasimba kwazvo nemapato ari muSADC.
Vanoti vekumadokera vari kuedza kwazvo kuzunguza Zanu PF ava havaikwanise sezvo riri bato radzika midzi, kwete muZimbabwe chete, asi kuti muchamhembe kweAfrica nemuAfrica.
Asi vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaTawanda Dzvokora, vanoti zviri kuitwa nebato reZanu PF zvekupindira munyaya dzedzimwe nyika richikanganisa zvinhu.
VaDzvokora vanoti Zanu PF inofanirwa kurambidzwa tsika yekupindira mune dzimwe nyika, vachiti manyepo ekuti nyika dzekumawirira dziri kupindira dzichishanda nemapato anopikisa.
Vanoti zvinoshamisa kutiZanu PF inoda kugadzirisa nyaya dzesarudzo mune dzimwe nyika iyo munyika mayoisingagone kuita sarudzo dzakachena, ichiguma yabiridzira kuti irambe iri pachigaro.
Forum