Vamwe vagari vekwa Mutoko vari kuita mushandirapamwe pakugadzira chikafu chezvipfuwo zvavo vachishandisa michero yemusango inosanganisira masekesa uye zvinosara pakugadzirwa kwemafuta ekubikisa.
Mushandirapamwe we Nyahunure Bush Meal Production Cooperative uri kuwana rutsigiro kubva kumuzinda weAmerica muZimbabwe. Costa Nkomo anotipa nyaya inotevera.
Mumwe wevarimi vakaumba mushandirapamwe uyu, VaFelix Pawandiwa, vanoti mushandirapamwe wavo uri kubatsira vanhu vanopfuura zviuru zvitatu vanowana zvekudya zvemombe dzavo.
VaPawandiwa vanoti mukugadzira chikafu chemombe ichi vanosanganisa michero yemusango yakasiyana siyana inosanganisira masekesa, muchukutu, mangara, zvinosara pakugadzirwa kwemafuta ekubikisa nemimwewo michero.
“Tiri kubatsira vanhu vanopfuura zviuru zvitatu vanouya nemombe dzavo kana kuti vanouya kuzotenga chikafu pano. Tingadai tichigadzira chikafu ichi zvakapetwa kashanu asi dambudziko ririko nderekuti michero yemusango yakaita mishoma gore rino nekuti hakuna kunyatsonaya zvakanaka,” vanodaro VaPawandiwa.
Mumwe nhengo yeNyahunure Bush Meal Production Cooperative, Amai Gwashavanhu, vanoti kuburikidza nechirongwa chekugadzira chikafu chezvipfuwo nevamwewo, zvashandura hupenyu hwavo sezvo vave kukwanisa kuendesa vana vavo kuchikoro.
“Vana vangu vaiperera muGrade 7 ndisati ndapinda muchirongwa chino. Asi iye zvino ndinotenda Mwari kuti ndine mwana ari kunyorawo Form yechina zvanga zvisati zvamboitika mumashure. Saka izvi zvave kutibatsira,” vanotsanangura vachidaro Amai Gwashavanhu vachitaura neStudio 7.
Nyanzvi munyaya dzekuchengetedzwa kwezvipfuwo, VaWisdom Gunzvenzve, vanoti chikafu chezvipfuwo chinogadzirwa nemiti yemusango chine hutano hwakanaka.
Asi Vaunzvenzve vari kukurudzira varimi kuti michero yemusango iyi inoda kunyatso sanganiswa zvakanaka uye kuikuya iri pamwe chete kuitira kuti zvive nyore kuzvipfuwo pazvinenge zvave kudya chikafu ichi.
“Kana tichitaura nezve masekesa, tiri kutaura nezve muchero unopa hutano kuchikafu chezvipfuwo hungasvika pakati pechikamu chegumi nembiri uye negumi neshanu kubva muzana (12-15 percent crude protein). Asi izvi zvinoda kusanganiswa nechibage kana nesora kana zvimwewo zvazvo kuitira kuti zvinyatsosimba pakuchengetedza zvipfuwo uyewo kuita kuti dzisimbe,” VaGunzvenzve vanojekesa.
Saga rimwe chete rechikafu chezvipfuwo rinorema makirogiramu makumi mashanu rinotengeswa nemadhora manomwe ekuAmerica.
Mumiriri weAmerica muZimbabwe, Amai Pamela Tremont, vanoti vari kufara zvikuru nekuponeswa kuri kuitwa zvipfuwo nechikafu chiri kugadzirwa nemushandirapamwe uri kutsigirwa nemuzinda weAmerica muZimbabwe.
“Patakaenda kuNyahunure, takaona kuti zvipfuwo zviri kuponeswa panzara iriko gore rino kuburikidza nekugadzira chikafu chepamusoro ichi. Uyu ndemumwe mucherechedzo wevana veZimbabwe vari kuita mabhindauko ekugadzirisa matambudziko munharaunda mavo vachishandisa zvinhu zvidoko kuburikidza nerubatsiro runobva kumuzinda weAmerica muZimbabwe,” Amai Tremont vachitaura neStudio 7 muHarare.
Muzinda weAmerica muZimbabwe wakabatsirawo chikwata ichi nemishini yekugaya chikafu chezvipfuyo nekuisawo magetsi ezuva. Muzinda weAmerica wakabatsirawo zvekare nemushini wekugadzira mafuta ekubikisa.
Gurukota rezvekurima, VaAnxious Masuka, vanoti hurumende iri kuita zvose zvainogona senzira yekuwanisa zvipfuyo chikafu. Vanotiwo kusvika muna Gumiguru gore rino, hurumemnde yaponesa mombe zviuru zana kana kuti 100 000 kubva munzara.
“Takatsvaga nekuunganidza chikafu chemombe chinosvika zviuru gumi nemashanu chesilage kana kuti 15 000 metric tonnes of silage icho chakaendeswa nemarori kumamisha kunoponesa mombe. Takadzidzisawo vanhu vekumaruwa kugona kugadzira chikafu chezvipfuwo,” vanodaro VaMasuka.
VaMasuka vanoti mombe mamiriyoni maviri nezviuru mazana matatu munyika yose dziri panjodzi yenzara.
Kumatunhu eku Matabeleland South, varimisi vakazivisawo kuti mombe dzinosvika zviuru gumi dzakafa kubva pakatanga nzara gore rino.
Asi VaMasuka vanoti mombe zviuru zvina nemazana mashanu kana kuti 4 500 chete ndidzo dzakafa kubva patanga nzara kusvika mumwedzi waGumiguru gore rino.
Sangano reDrought Action Committee rakaburitsawo gwaro rinoti mombe mazana emombe ari kufa pasvondo rega kumatunhu ema Matabeleland.
Asi varimi vakawanda vari kutarisira kuti dambudziko rechikafu richapera sezvo mvura yava kunaya munzvimbo dzakawanda munyika.
Forum