Pane ripi zvaro zuva gore rapera, madzimai nevanasikana zana nemakumi mana (140) vakaurayiwa nevadiwa vavo kana nevehukama vepedyo, sezvakataurwa neUnited Nations.
Izvi zvinoreva kuti mukati memaminetsi gumi oga oga, pane munhukadzi akaurayiwa kune imwe nzvimbo mupasi rino.
Mudunhu reEurope, zvikamu makumi matanhatu nezvina kubva muzana, 64 percent, zvevanhu vakashungurudzwa ava zvakafira mumaoko evadiwa vazvo, zvikamu makumi mashanu nezvisere kubva muzana, 58 percent zvakafira kunyika dzekumatunhu eAmericas.
Nekune rimwe divi, vanhukadzi muAfrica neAsia vaigona kuurayiwa nevehukama pane vadiwa vavo.
Senzira yekuburitsa nayo pachena dambudziko iri, mazuva gumi nematanhatu ari pakati pezuva rekucherechedza kupedzwa kwekushungurudzwa kwevanhukadzi rinove musi wa 25 Mbudzi nezuva rekuremekedza kodzero dzevanhu rinocherechedzwa musi wa Zvita 10 akaiswa parutivi kudzidzisa veruzhinji uye kupa chenjedzo pasi rose nezvekuipa kwemhirizhonga yakanangana nevanhukadzi.
“Mhirizhonga yakanangana nevanhukadzi raramba riri dambudziko, paine munhukadzi mumwechete muvanhukadzi vatatu pasi rose ari kusangana nekushungurudzwa zvepabonde nemudiwa wake kana neasiri mudiwa wake muhupenyu hwake,” vakadaro VaChris Lu, mumiriri weAmerica kuUnited Nations Management and Reform.
Ambassador Lu vakasimbisa kuti kudzivirira nekutirimuka “kundudzi dzose zvadzo dzine chekuita nekushungurudzwa kwevanhukadzi ndiwo musimboti wekuzvipira kweAmerica mukusimudzira hutongo hwejekerere, kusimudzira kodzero dzevanhu, nekuendesa mberi kuenzaniswa kwemikana.”
Zvisineyi, kunyange hazvo paine makore akawanda ekuzama kugadzirisa matambudziko aya, kushungurudzwa kwevanhukadzi pamwe nevanasikana pasi rose kuri kuramba kuchikwira nehuwandu hunotyisa, sezvakataurwa nemumiriri weAmerica kuUnited Nations, Amai Linda Thomas-Greenfield.
“Kubva kuAfghanistan kusvika kuSudan, kuHaiti kuenda kuDemocratic Republic of the Congo, kusawirirana nematambudziko mupasi rose zvinoramba zvichiwedzera kusaenza kwemikana kwagara kuripo uko kunowedzera njodzi yemhirizhonga yemudzimba,” Amai Greenfield vakadaro.
“Kuti pagadziriswe nyaya dzekushungurudzwa kwevanhukadzi uko kunokanganisa magariro evanhu, dzihurumende dzinofanirwa kutsigira mabasa anodzivirira kushungurudzwa nekuchengetedza vanenge vapona mumhirizhonga."
Vakati mazwi evakapona akakosha mukuedza kwepasi rose kupedza kushungurudzwa kwevanhukadzi nevanasikana.
Ambassador Thomas-Greenfield vakati panofanirwa kuparadzwa hunhu hunoshoreka hwekushoropodza kufumurwa kwemhirizhonga pamwe nekupa mikana yekusimudzira madzimai.”
Makore makumi matatu adarika, vaimbove Seneta VaJoe Biden vakanyora mutemo unoshoropodza mhirizhonga kumadzimai, weViolence Against Women Act. Mutemo uyu wakachinja nzira inopindurwa nayo neAmerica kunyaya dzemhirizhonga yakanangana nevanhukadzi, sezvo uchicherechedza kuti mhirizhonga kuvanhukadzi kutyora kodzero dzevanhu.
Ambassador Lu vakati, “America inomira nemadzimai ose nevanasikana, vari kumba nepasi rose. Nhasi tinomira pamwechete mukumutsiridza kuzvipira nekuwedzera zvakapetwa kuedza kwedu nekutirimuka kunyaya dzemhirizhonga yakanangana nemadzimai nemitowo yose."
Ayo anga ari mashoko anoratidza maonero ehurumende yeAmerica panyaya yekucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekukurudzira kupedzwa kwemhirizhonga yakanangana nevanhukadzi.
Forum