Accessibility links

Breaking News

Sangano reNational Blood Services Zimbabwe Rinoparura Chirongwa cheKukurudzira Veruzhinji muNyika Kuti Vape Ropa


Mukuru weNational Blood Services Zimbabwe, Amai Lucy Marowa.
Mukuru weNational Blood Services Zimbabwe, Amai Lucy Marowa.

Sangano rinobatsira neropa kune veruzhinji vanenge vachida kuwedzerwa ropa, reNational Blood Services Zimbabwe (NBSZ), raparura chirongwa chekukurudzira veruzhinji munyika kuti vape ropa, apo nyika yatarisana nezororo reKisimusi negoredzva.

Ropa riri mudura rinonzi rinoshanda kwemazuva mashoma chose.

Vachitaura nevatori venhau pavapaura chirongwa ichi nhasi muHarare, mukuru weNBSZ, Amai Lucy Marowa, vati kutaura kuno, ropa ravainaro ishoma zvakanyanya, zvekuti panogona kuipisisa kana vanoda ropa iri vakawanda.

"Iko zvino tine mhando yeropa reGroup A, Group B neGroup AB rinokwana vhiki zvichienda mberi, asi reGroup O ishoma zvakanyanyisa zvekuti rinogona kusakwana zuva rimwechete."

NBSZ inoti inokurudzira vanhu vari pakati pemakore gumi nematanhatu kusvika pamakore makumi matanhatu, vachirema makirogiramu anotangira pamakumi mashanu, uye vari vanhu vane hutano hwakanaka kuti vape ropa pachena.

Vanhu zvikamu makumi mashanu nezviri kubva muzana vanonzi vane ropa remhando yeGroup O muZimbabwe uye NBSZ inonzi nenyanzvi dzehutano inoda ropa remhando iyi rinosvika 2737.88 units pamwedzi wega wega.

Vashandi veNational Blood Services Zimbabwe.
Vashandi veNational Blood Services Zimbabwe.

Mumwe wechidiki ave nemakore gumi nemanomwe achipa ropa, Muzvare Mitchell Sophie Mutandwa, vanoti kunyange kupa ropa kwavanoita kuchibatsira vamwe vanhu, ivo kunovabatsirawo kuramba vakazvichengetedza.

"Nekuti sewechidiki unenge uchiziva kuti uchada kuzoenda kunopa ropa, zvinobatsira kuti uedze nepese paunogona kuzvibata, kuitira kuti ropa rako ringe rakachena. Ini mwedzi uno ndichange ndave kupa ropa kechimakumi matatu nesere, uye ndinovimbisa kuramba ndichibatsira nyika neropa rangu."

Mumwe wechidiki ari muchirongwa cheNational Blood Services Zimbabwe chinokurudzira vechidiki kuti vape ropa, chePledge 25, VaAllan Ndaba, vanoti vechidiki vane basa guru rekubatsira avo vanodawo ropa muzvipatara.

"Chirongwa ichi ndechekukurudzira vechidiki kuti vape ropa kanosvika makumi maviri neshanu vasati vasvika makore makumi matatu ekuberekwa. Isu sevechidiki tinogona kunge tisina hedu mari yekubatsira panyaya yekuwaniswa kweropa, asi kutopa iro ropa racho rubatsiro rwakakurisa chose."

Asi kuwana ropa muzvipatara zvehurumende, izvo zvinopiwa ropa iri neNBSZ pachena, kunonzi nevamwe kunonetsa zvikuru; asi kuzvipatara zvinoshanda zvakazvimirira, rinowanika nemutengo wepamusoro, unogona kusakwaniswa nevazhinji.

Mumwe mudzimai akambotenga ropa ari muchipatara chakazvimirira, Amai Maidei Makombe, vanopupura kuti ropa rinowanikwa neshoroma chete.

"Kana ukatarisa mari dzinenge dzichidiwa, dzakawandisa zvekuti munhu anogona kutofa iro ropa riripo. Chimwe ndechekuti harisi ropa chete rinodiwa kuchipatara, asi kune mimwe mishonga nedzimari dzekugara muchipatara, nedzimwewo, dzinodiwa. Saka mari dzacho dzinodzoka dzowandisa zvekuti vakawanda havadzikwanisi."

Muzvipatara zvinoshanda zvakazvimirira, ropa rinonzi rinogona kutengwa nemari inosvika madhora ekuAmerica zana nemakumi mashanu (US$150), kuchitiwo kuzvipatara zvehurumende, rinogona kutengwa nemari inosvika madhora zana emari yekuAmerica (US$100).

Mumwe wechidiki achipa ropa.
Mumwe wechidiki achipa ropa.

Vanoongorora nyaya dzeutano, uye vari mukuru webepanhau repadandemutande rinonyora pamusoro pezvehutano, VaMichael Gwarisa, vanoti zvichida dai vanopa ropa vaizowaniswawo muripo unobatika, zvaizoita kuti vakawanda vanzwe manyukunyuku ekunopawo ropa iri.

"Iko zvino munhu akapa ropa anopiwa chingwa neMazoe, kuchitiwo vamwe vanopiwa hembe dzemaT-shirts. Kunyange tisingashori zvavanopiwa, uye tisiri kuti ngavapiwe mari, zvinogona kubatsira kana vakavapawo zvakaita semaFuel coupons kana kuti munguva ino yekisimusi, vanogona kupiwa zvidyiwa."

Mugore ra1997, sangano reWorld Health Organization rakatemera kuti hakuna munhu anofanira kupiwa muripo nekuda kwekupa kwaanenge aita ropa, asi kuti anofanira kungopawo pachena.

Amai Marowa vadzokazve vachikurudzirawo veruzhinji kuti vaedze nepavanogona kuzvichengetedza panguva yezororo iyi, kuitira kuti vasapindana netsaona dzingaita kuti vagoda ropa.

"Zvingabatsira chose kuti tsaona dziite shoma pamigwagwa apo vanhu vachange vachienda kuzororo. Zvichakadaro, tichange tiine hurongwa hwekukurudzira vanhu kuti vape ropa kubva zvino kusvika pakati pemwedzi waNdira munzvimbo dzinoti Masvingo, Gweru, Mutare, Bulawayo neHarare.

"Tichange tichipindawo munzvimbo dzinogara veruzhinji pachirongwa ichi, mazuva ese kunze kwereKisimusi neregoredzva. Mubvunzo mukuru wandingada kuti munhu wese azvibvunze ndewekuti, ndakapedzisira rini kunopa ropa?"

Zimbabwe Republic Police inoti tsaona dzemumigwagwa dzinowanda panguva yezororo reKisimusi nere gore idzva, izvo zvinonzi neNBSZ, zvinozoitwawo kuti vanoda ropa muzvipatara vawande.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG