Accessibility links

Breaking News

Vaimbove Mutevedzeri weMutungamiri weNyika, VaMphoko, Vanopiwa Ruremekedzo rweGamba reNyika


VaPhelekezela Mphoko
VaPhelekezela Mphoko

Vaimbove mutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaPhelekezela Mphoko, vakapiwa ruremekedzo rwegamba renyika semucherechedzo webasa guru ravakabata mukusunungurwa kwenyika pamwe nekunge nyika yawana kuzvitonga.

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vakatumira mashoko avo ekunyaradza mhuri yekwaMphoko vachiti nyika yarasikirwa zvakare nerimwe gamba rerusununguko.

VaMnangagwa vakati nekuda kwebasa rakabatwa naVaMphoko mukusungura nyika iro risina anopikisa, Politburo yeZanu PF yakaona zvakakodzera kuti ivape ruremekedzo rwegamba renyika.

VaMphoko vakaberekwa musi waChikumi 11, 1940 kuGwizane mudunhu reBubi kuMatabeleland North.

Vakadzidza muzvikoro zvakasiyanasiyana vakazobuda munyika vachienda kunodzidzira zvekurwa kunyika yeSoviet Union muna 1964 vari kubato reZapu, vakazobata zvigaro zvakasiyanasiyana mubato iri.

Mushure mekunge nyika yawana kuzvitonga kuzere, VaMphoko vakazoshandawo mumapazi akasiyanasiyana ehurumende pamwe nekuve mumiriri weZimbabwe kunyika dzinosanganisira Botswana neRussia.

Muna 2014, vakazosarudzwa nevaive mutungamiri wenyika, mushakabvu VaRobert Mugabe pamwechete naVaEmmerson Mnangagwa kuti vave vatevedzeri vemutungamiri wenyika, vachivewo zvakare gurukota rezvekupodzwa kwemaronda kana kuti National Healing, Peace and Reconciliation panguva imwechete.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari mukuru wesangano reCoalition for Market and Liberal Solutions (COMALISO) Zimbabwe, VaRejoice Ngwenya, vanoti kunyange hazvo VaMphoko vakashanda zvakasimba mukusunungura nyika, zvimwe zvavakazoita munguva yavaive muhurumende zvinovasvibisa.

VaMphoko vakashaya neChishanu mushure mekurwara kwenguva ndefu. Vakasiya mudzimai wavo Amai Luaurinda, vanove chizvarwa chenyika yeMozambique, pamwe nevana vatatu pamwe nevazukuru vavatu.

Hurongwa hwekuradzikwa kwavo hunonzi huchaziviswa munguva pfupi inotevera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG