Accessibility links

Breaking News

Varimi Vakawanda Vanoti Havasi Kufara Nemari Iri Kuronga Kupihwa Bazi Rezvekurima Mubhajeti Regore Rinouya


Varimi vekumaruwa.
Varimi vekumaruwa.

Varimi vakawanda vanoti havasi kufara nemari inoita 22,9 billion ZiG iyo iri kurongwa kupihwa bazi rezvekurima mubhajeti regore rinouya, ndokana mari iyi yatambirwa neparamende.

Varimi vakawanda vakataura neStudio7 vanoti mari iri kuda kupihwa bazi rezvekurima ishoma zvikuru pachitariswa kuti nyika iri kubva munzara nekuda kwemvura shoma yakanaya mumwaka wekurima, vachiti panodiwa mari yakwanda kuitira kuti nyika ive negoho guru kana munyika mukawana mvura inokodzera.

Mumwe murimi ane maonero aya ndiVaMisheck Muzondo vanorima vari kuBanket.

VaMuzondo vanoti mari yakapihwa bazi rezvekurima ishoma zvikuru sezvo zvikwanisiro zvakaita sembeu nefotireza zvave kudhura uye zvichidiwa nevarimi vari kuramba vachiwanda pasi pezvirongwa zvehurumende uye nemamwe makambani akazvimirira ave kushanda nevamwe varimi kana kuti contract farming.

“Kutaura chokwadi mari iyi ishoma uye haikwanise kugutsa varimi vose kana tichitarisa kudhura kwave kuita mbeu nefotireza,” VaMuzondo vanotsanangura.

Mumwe murimi wekuBindura mudunhu reMashonaland Central. VaTinarwo Kasamba, vanoti mari iyi ishoma sezvo iri kusvikotanga kushanda kubhadhara varimi vasati vawana mari dzavo dzezvirimwa zvavakaendesa kuGrain Marketing Board neCotco.

VaKasamba vanoti, “Mari yakapihwa iyi ichasvikotanga kubhadhara varimi vasati vapihwa mari dzavo dzezvirimwa zvavakaendesa kuGMB neCOTCO.”

VaKasamba vanoti contract farming yakanaka chete kana paine chibvumirano chakanyoreranwa pasi zvikuru kubazi rezvekurima sezvo vakawanda vachizobviswa pamunda kana zvirimwa zvave pedyo nekukohwewa.

“Zvibvumirano zvekurima pamwechete zvinofanirwa kunyorerana pasi kumapurisa kuburikidza neafidhavhiti kana magwaro anopihwa kubazi rezvekurima.” VaKasamba vanoenderera mberi.

Mukuru werimwe sangano rinomiririra varimi reZimbabwe Farmers Union, VaPaul Zachariah, vanoti chinofanirwa kutanga kugadziriswa hupfumi hwenyika kuitira kuti mari yemunyika itange kushanda zvimwe zvose zvozotevera.

VaZachariah vanoti kunyange bazi rezvekurima rikapihwa mari yakawanda asi iri mari isina kusimba, hapana chinobuda.

VaZachariah vaudza Studio 7 kuti, “Chakanyanya kukosha parizvino tichitarisa mabasa evarimi kugadzirisa nyaya yehupfumi kuti mari yedu ive nesimba. Mari yedu inofanirwa kushanda.”

Panyaya yekurima pasi pecontract farming, VaZachariah vanoti zvinoshanda kana paine mitemo inotsigira mhando yekurima iyi.

VaZachariah vanoti kana pasina mitemo zvinoita sezviri kuitika kufodya kwekuti zvikamu makumi mapfumbamwe nezvishanu kana kuti 95% yefodya iri kuenda kunze kwenyika inova makirogiramu mamiriyoni mazana maviri nemakumi mapfumbamwe nematanhatu kana kuti 296 million kgs.

Gurukota rezvekurima Dr Anxious Masuka vanoti mari yavari kuvimbiswa kapihwa pabhajeti regore rinouya ishoma zvikuru zvichienzaniswa nemari yavakapihwa gore rakapera.

“Tinotarisira kuti mari yakataurwa pabhajeti ichauya kuti tikwanise kuita zvatinotarisirwa kuita sebazi rezvekurima kunyange mari yakataurwa iri shoma zvayo,” vanodaro Doctor Masuka.

VaMasuka vanoti hurumende iri kutadza kuwanisa bazi ravo mari yakabvumiranwa muzvibvumirano zvakaitwa ku Abuja nekuMaputo zvinosungira dzihurumende kuti dzipe mapazi ekurima mari inosvika zvikamu gumi kubva muzana kana kuti 10% yebhajeti rose.

Vanoenderera mberi vachiti, “Gore rino tangopihwa zvikamu zvisere nezviga zvina kubva muzana- 8.4% zvatakavimbiswa gore asi mari iyi ishoma zvikuru kana zvichienzaniswa nemari yakatarwa pachibvumirano cheAbuja neMaputo Declaration.”

Gurukota rezvemari, VaMthuli Ncube, vakaisa chikumbiro kuparamende mwedzi wapera chekuti vapihwe mvumo yekushandisa mari inoita ZiG 283 billion mugore ra2025 kusanganisira ZiG 22,9 billion ichaenda kubazi rezvekurima.

Paramende inotarisirwa kuzeya bhajeti rakaturwa naVaNcube musi wa 28 Mbudzi, uye kana yaritambira, ndiyo mari ichapihwa mapazi ose ehurumende. Izvi zvinofanirwa kuitwa gore rino risati rapera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG