Accessibility links

Breaking News

Vanoita Zvemitambo Vari kuKurudzirwa Kushandisa Mabasa Avo Kubatsira Kurwisa Mhirizhonga yeMudzimba


Mhirizhonga kumadzimai iri kukurudzirwa kuti ipedzwe nekukasika.
Mhirizhonga kumadzimai iri kukurudzirwa kuti ipedzwe nekukasika.

Apo vakawanda munyika vari kubatana nepasi rose mukucherechedza mazuva gumi nematanhatu ekurwisa mhirizhonga yemudzimba kana kuti 16 Days of Activism Against Gender-Based Violence, vanoita zvemitambo vari kukurudzirwa kushandisa mabasa avo kubatsira kurwisa mhirizhonga iri kuitika mudzimba.

Mutambi wechidzimai anotungamira Zimbabwe Female Arts Practitioners Platform, sangano rinorwira kodzero dzevatambi vechidzimai, Muzvare Angeline Dimingo, vaudza Studio 7 kuti sangano ravo rinoramba richikurudzira kuenzaniswa kwemikana pakati pemadzimai nevanhurume mune zvemitambo, kunyange madzimai ave kukwanisawo kuwana mikana yekutungamira zvirongwa zvemitambo zvaimbowanzoitwa nevanhurume.

“Vavariro yedu ndeyekuti madzimai anoita zvemitambo awaniswe mikana yakaenzana neye vanhurume kunyange tichitenda kuti madzimai aya avekukwanisawo kuita mabasa epamusoro akaita sekutungamira zvirongwa zvekugadzirwa kwemitambo zvaisiitwa nevanhurume,” Muzvare Dimingo vanotsanangura.

Asi murongi wemabasa musangano reZimbabwe International Film Festival Trust, VaKudakwashe Bwititi, vanoti kuburikidza nekurudziro yekuenzaniswa kwemikana munyaya dzemitambo, zvinofadza kuti mabasa mazhinji ayimbozivikanwa achiitwa nevanhurume sekubikwa kwemitambo nekupepetwa ave kuitwawo nemadzimai.

“Madzimai avekuwana mikana yakakura nekuti kubvira gore ra2018 madzimai avekutungamira zvirongwa zvakawanda mumitambo kutopinda varume kunyangwe huwandu hwevarume hwuchipinda hwevakadzi mukutungamirira zvemitambo,” mashoko aVa Bwititi.

Vanoongorora zvemitambo vachishanda nesangano reMen 4 Equality, VaChaka Ruzvidzo, vanoti madzimai anoita zvemitambo anosanganawo nemhirizhonga dzakasiyana siyana asi havakwanise kumhangara nekuda kwekuti vanenge vachityityidzirwa pamwe nekushaiswa mikana nevanhurume sezvo vari ivo vakawanda vanotungamira zvirongwa muchikamu ichi.

“Madzimai ari panguva yakaoma nekuti kubvira makarekare varume ndivo vaiwanzopiwa mikana, uye madzimai anomboonekwa sevanhu vanozvishambadza vachitarisirwa pasi pamwe nekuda kwezvipfeko zvavo mumitambo iyi,” mashoko aVa Ruzvidzo.

Mukuru wesangano reShamwari Yemwanasikana, Muzvare Ekenia Chifamba, vanoti kurudziro yavo ndeyekuti vanoita zvemitambo vagare vachibika mitambo inokurudzira kuenzaniswa kwemikana pakati pemadzimai nevanhurume pamwe nekurwisa mhirizhonga yemudzimba.

Asi vanoongorora nezvemitambo vachidzidzisa zvemitambo nekutorwa kwenhau paMidlands State University, VaAbel Dzobo, vanoti zvakakosha kuti mitambo yakawanda itarise nyaya dzemhirizhonga dzemudzimba.

Vanotiwo vane chivimbo chekuti hwaro hwakaparurwa mwedzi wapera neNational Arts Council of Zimbabwe hweNational Film Strategy hwuchabatsira zvikuru mukugadzirwa kwemitambo iyi senzira yekubatsira kurwisa mhirizhonga yemudzimba.

“Ndoraive dambudziko guru rekuti tinoshaiwa mari yekugadzira mafirimu. Apa tinofara kuti pachave neCommercial Film Fund kuti pave nedzimwe nzira dzakanaka dzekuti pagadzirwe mitambo iyi” Va Dzobo vanopa mawonero avo.

Mukuru weNational Arts Council of Zimbabwe, Va Napoleon Nyanhi, vanoti vari kufara kuti hurumende iri kusimudzira mabasa evatambi izvo zvichaita kuti pagadzirwe mitambo yakawanda inokurudzira budiriro yenyika vakati munhu wese anofanirwa kuwaniswa mikana pasina rusarura.

“Tiri kufara chaizvo kuti hurumende yatsigira mabasa evatambi uye varikutsigira kuti dai zvawedzera budiriro uye mutsindo mumabasa edu. Munhu wese anofanirwawo kuwaniswa mikana yakaenzana muchikamu ichi,” VaNyanhi vanotsinhira.

Mazuva gumi nematanhatu aya anocherechedzwa kubva musi wa Mbudzi 25 kusvika musi waZvita 10 senzira yekurwisa kupedza mhirizhonga yemudzimba.

Kucherechedzwa kwe 16 Days of Activism Against Gender-Based Violence kwakaparurwa muna 1991 pagungano rekutanga reWomen’s Global Leadership Institute nesangano reCenter for Women’s Global Leadership paRutgers University mudunhu reNew Jersey kuAmerica.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:07 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG