Accessibility links

Breaking News

Vanotenga neKutengesa Vachiyambuka Miganhu Voyambirwa Kuti Vatevere Mitemo yeKupinzwa kweZvinhu muNyika


Vamwe vanotenga zvinhu kubva kunze kwenyika vanonzi vari kutiza kubhadhara mitero.
Vamwe vanotenga zvinhu kubva kunze kwenyika vanonzi vari kutiza kubhadhara mitero.

Sangano rinomiririra vanotenga nekutengesa zvinhuvachiyambuka miganhu yenyika, reInternational Cross Border Traders' Association riri kuyambira vese vanoita bhindauko rekutenga nekutengesa kuti vatevedzere mitemo yekumiganhu yenyika kuitira kuti vasazobatwe vari kudivi risiri iro.

Izvi zvinotevera chirongwa chinonzi chakaparurwa nehurumende chekuongorora mapinzirwo ari kuitwa zvinhu munyika kubva kunze chiri kutungamirwa nevebazi re ZIMRA richishanda pamwechete nemapurisa pamwe nevasori.

Hurumende inozni yakatora danho iri mushuire mekuona kuti vamwe vanotenga zvinhu kubva kunze kwenyika vakanga vari kutiza kubhadhara mitero vachishandisa vemabhazi pamwe nevemagonyeti.

Studio 7 yabata vehofisi yeZIMRA kuti tinzwe zvizhinji asi vati tibate mapurisa kana vasori.

Takundikana kubata mutauriri wemapurisa, Commissioner Paul Nyathi, sezvo nharembozha yavo yanga isiri kudairwa.

Asi mutungamiri weInternational Cross Border Traders’ Association, VaDenis Juru, vanoti zvinhu hazvina kumira zvakanaka kumiganhu nekuti nguva ino ndiyo inofamba vazhinji mukugadzirira zororo rekupera kwegore, zvinozoita kuti vamwe vaedze kupinza zvinhu munyika nenzira dzisiri pamutemo.

VaJuru vanoti vose vari kufamba munguva dzino dzezororo reKisimusi neGoredzva vanofanirwa kuti vanzwisise mhando dzemagwaro avanoda kushandisa kuitira kuti vagone kufamba nemidziyo yavo zviri nyore..

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG