Hurumende dzeAmerica neBritain neMuvhuro dzakatemera zvirango vanhu vapfumbamwe pamwe nemakambani gumi nemapfumbamwe nemhosva yekuba goridhe nekuchenesa mari muZimbabwe.
Hofisi yeForeign Assets Control (OFAC), iyo iri pasi pebazi rezvemari muAmerica, yakatemera zvirango muzvinabhizimusi VaKamlesh Pattni, vanove chizvarwa cheKenya chakambonongedzwa zvakare muhuwori hwekuburitswa munyika kwegoridhe mufirimu rakaburitswa ne Al-Jazeera gore rapera.
Gwaro rakaburitswa neAmerica rinoti chikwata chevanhu nemakambani ichi chine hunyanzvi hwekufambisa goridhe zvisiri pamutemo kupinda munyika dzakasiyanasiyana uye chakapa chiokomuhomwe kuvakuru vakuru muhurumende.
Chinonziwo chine mabhizimusi akapindanapindana senzira yekuviga mabasa erima achinoita.
VaPattni nevamwe vavo vanonzi vaapfumisa vakuru muhurumende nemari dzaifanirwa kunge dzichibatsira vana veZimbabwe.
Zvirango izvi zvakauya pazuva rekucherechedza kuparadzwa kwehuwori pasi rose re International Anti-Corruption Day, iro rinocherechedzwa neUnited Nations Convention Against Corruption.
Vamwe vakadomwa mudandemutande rehuwori uhu vanoti VaMukesh, VaSinha, VaSood, VaMishaal, VaSanjay, VaRaj, VaCrosby, naVaAbakumov.
Mamwe emakambani akaiswa pasi pezvirango anosanganisira Sun Multinational, Marwa Investments Limited, Fiza Gold and Bullion Trading L.L.C, Golden Luxury Jewellery Trading L.L.C, Ruhmeer Diamonds DMCC, Precious Bullion DMCC, Star Travel & Tourism L.L.C, Rubini Investment Group Limited, Samaria Holdings Limited, Suzan General Trading JLT, Manurama Limited, Suzan General Trading (PVT) LTD, neSkorus Investments (PVT) LTD.
Hatina kukwanisa kubata gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika Muzvinafundo Amon Murwira kanawo mutauriri webazi iri, VaMichael Mukura kavo vanga vasiri kudaira nharembozha yavo.
Hatinawo kukwanisa kubata gurukota rezvekuburitswa kwemashoko, Doctor Jenfan Muswere.
Asi mukuru weCenter for Natural Resource Governance, Vafarai maguwu, vanoti kufumurwa kwemazita evari kuita huwori uku hakuna chikuru chakunoshandura sezvakangoitika panyaya yeAl-Jazeera iya.
Zimbabwe inonzi inorasikirwa nemari inosvika bhiriyoni rimwe nechidimbu chemadhora ekuAmerica, kana kuti US$1.5 billion, pagore kuburikidza nekuburitswa kwegoridhe munyika zvisiri pamutemo.
Forum