Apo nyika yatarisana nezororo reKisimusi neregoredzva, vamwe vechidiki vari kuyambira vamwe vavo kuti vasiyane nekufara kunopfurikidza mwero zvinonzi zvinogona kuisa hupenyu hwavo panjodzi. Asi vamwe vechidiki ava vanoti dzimwe nguva vabereki ndivo vanovapa zvikwanisiro zvekuti vazvivaraidze panguva yezororo iyi, naizvozvo havafaniri kuchema kuti mavara azara ivhu.
Munguva yezororo iyi vamwe vevechidiki ava vanonzi vanopindana nemafaro anosanganisira kutora zvinodhaka zvakapfurikidza mwero, kuita zvebonde risina kudzivirirwa, kuba, nezvimwe zviito zvinogona kukanganisa hupenyu hwavo mune remangwana.
Mumwe musikana wechidiki wemuHarare, Muzvare Rumbidzai Gwatinyanya, vanoti dzimwe nguva vabereki ndivo vane mhosva kana vechidiki vachizoita misikanzwa yakapfurikidza panguva yezororo.
“Dzimwe nguva vabereki vanozonyanya kuchengetedza vana vavo kubudikidza nekuvarambidza kuita zvimwe zvinhu. Kuramba vakaomesa gotsi uku kunozoita kuti vana vacho vazoita izvozvo zvacho zvavanenge vachirambidzwa, kana vakawana mukana. Saka vabereki ngavasanyanya kusungirira vana, asi ngavavabvumidze kuonawo nyika zvine kudzoreredzwa mukati.”
Mumwe zvekare wechidiki, VaDavid Nhanda, vanogara kuChitungwiza, vanoti vabereki havachina nguva nevana vavo sezvo vave kumhanyisana nekutsvaga mari yekuti mhuri irarame zvinosiya vana ava vasina mufudzi vachiita madiro aJojina.
“Nekuda kwemamiriro enyika yedu, muchaona kuti vabereki vakawanda havachawani nguva yekunyatsoongorora hupenyu hwevana vavo. Vave kutsvaga zvinoita kuti mhuri idye nekupfeka. Munotoona kuti mudzimba chaimo, kana mwana mudiki akada kuita seanonetsa, anogona kutonzi tora nharembozha iyo utambise. Iyoyo nharembozha ndiyo yaanogona kutsvagisa zvisina kumunakira.”
VaKudzai Chikwanha, mukomana abve zera anogara muHighfield, muHarare. Vanoyambira vamwe vavo vechidiki kuti apo Kisimusi iri kuuya vazvibate kuitira kuti vasazoyeuka bako vanaiwa.
“Chekutanga, munhu wechidiki ngaazive kuti munhu, uye anobva kune vanhu. Chepiri ndechekuti kunyange vechidiki vari kuzivikanwa kuti vari kuita zvepabonde nekukasika mazuvano, dai vakwanisawo kuzvidzivirira nekuti kunze kwakashata uku. Munhu wauri kusangana naye hauzivi kuti akambosangana nevanhu vangani. Chekupedzisira, kana muchienda kumafaro ikoko, zvakanaka kuti usiye wataura kumba, kuitira kuti vabereki vasazonetseka.”
Munguva yezororo iyi, vechidiki vanonzi vanomboita mitambo yekuti vanenge vachiita zvepabonde vakawanda vari munzvimbo imwechete, vamwe vachitoita zvemakwikwi chaiwo ekuona kuti ndiani anokwanisa kuita bonde nevanhu vakawanda, mitambo inozivikanwa nekunzi maVuzu parties. Muna Gumiguru mapurisa kuBulawayo akatosunga vana makumi matatu nevasere kana kuti 38 vaive pane imwe imba mumusha wePumula South apo vaive pamafaro emutambo weVuzu uyu.
Vamwewo ndivo vanonzi munguva dzezororo idzi vanoba motokari dzevabereki voenda neshamwari dzavo kumafaro uko kwavanosvika vachinotora zvinodhaka, dzimwe nguva vopedzisira vapinda mutsaona dzemumigwagwa.
Asi mumwe mubereki ane vana vana anogara mumusha weUshewekunze muguta guru reHarare, VaShame Kanguni, vanoti hongu vabereki vanogona kunge vaine pavari kukanganisa pakukudza vana, asi kushandiswa kwemichina yechizvinozvino kuri kunyanya kuuraya vana.
“Kana takatarisa masaisai eInternet pamwechete nekushandiswa kwenharembozha, tinoona kuti vana vari kuona zvinhu zvavasina zera nazvo. Saka kana vaona zvimwe zvacho zvinogona kuvafadza pameso vobva vazoda kuzviita mukurarama chaiko. Ipapa ndipo patinozoona vachipindana nenyaya dzekutora zvinodhaka uyewo kuita zvepabonde. Saka vabereki vanofanira kusimba pakuongorora kuti idzo nharembozha dzine vana dziri kumboshandiswa sei.”
Mutauriri wemapurisa eZimbabwe Republic Police muHarare, Inspector Luckmore Chakanza, vatenda kuStudio 7 kuti panguva yemazororo eKisimusi negoredzva vakawanda vechidiki vanofarisa vopedzisira vapara dzimhosva; vakakurudzirawo kuti vechidiki ava vazive kuti mazuva maviri ezororo aya akangofanana nemamwe.
“Yambiro yedu semapurisa ndeyekuti vechidiki ngavazive kuti mazuva eKisimusi negoredzva anodarika, asi ivo vane hupenyu hwekuzorarama mune ramangwana. Kudhakwa kunopfurikidza mwero ndiko kunozita kuti vapedzisire vobayana nemapanga, vamwe vave kubata chibharo, dzinova mhosva dzinosungisa. Zvinobatsirei kuti wofarisa wopara mhosva inozoita kuti ufe kana kuti ugare mujeri kwemakore akawanda pane kungozvibata paKisimusi nepazuva regore idzva?”
Vanoongorora nyaya dzevechidiki uye variwo mufundisi wesvondo yeMethodist Church in Zimbabwe, Reverend Maxwell Mugabe, vanoti munhu wese zvake ane mutoro wekuchengetedza vana panguva ino yezororo.
“Vabereki dai varega kupa vana tambo yakareba nekuti tambo iyi ndiyo yavanozozvisungirira nayo. Isu patakakura taipiwa rudo rwaiita kunge runorwadza, asi zvakatibatsira. Vamwe vabereki vemazuva ano vanoita sevanopembedza zvisizvo muvana.
"Ibasa redu rekuvarovedzera kuti vafambe nenzira kwayo uyewo isu vemakereke pamwechete nevanhu vemunharaunda ngationeyi kuti vana vedu havasi kupindana nezvisiri izvo. Hongu vamwe vana vacho vakaoma musoro, asi tikaramba tichivarovedzera tinokunda.”
Dzimwe nyanzvi dzinoshanda nevechidiki dzinokurudzirawo varidzi venzvimbo dzekufarira pamwe nenzvimbo dzinotengeswa zvinodhaka kuti varambidze vana vese vanenge vaine makore ari pasi pemakore gumi nemasere ekuberekwa, kupinda munzvimbo dzavo, senzira yekuvachengetedza.
Nyanzvi idzi dzinokurukudzirawo veruzhinji kuti vasabatsire vana vasati vabva zera nekuvatengera zvinodhaka pamwe nekutambira mari semibhadharo yekuti vavahwandiridze pavanenge vachiita zvisina maturo.
Forum