Vaimbove mutungamiri webato rinopikisa reCitizens Coalition for Change, CCC, VaNelson Chamisa neMuvhuro svondo rino vakamira pamberi pekomisheni iri kuferefeta kufambiswa kwemabasa muguta reHarare iri kutungamirwa nevaimbove mutongi wedare repamusoro Justice Maphios Cheda vachipa divi ravo pamusoro pekufambiswa kwemabasa mukanzuru iyi.
Komisheni iyi inonzi yaida kunzwa kubva kuna VaChamisa mushure mekunge zita ravo rasimudzwa nemumwe kanzura achiti vaive neruzivo nezvekufambiswa kwenyaya dzaiitika mukanzuru dzinosanganisira kupiwa kwenzvimbo dzekuvakira dzimba, pamwe nemamwe mabasa aibatwa mukanzuru anonzi aiitwa zvisiri pamutemo.
VaChamisa vanoti vakakumbirwa nekomisheni iyi kuti vazopa maonero avo nehuchapupu pamwe nepfungwa dzavo maererano nezviri kuitika mukanzuru yeguta reHarare, uye vanoti vakaiudza kuti havana ruzivo nezvemafambisirwo eguta iri sezvo vaisave kanzura kana meya kanawo mushandi webazi rezvekutongwa kwematunhu.
Vanoti vakajekeserawo komisheni iyi kuti makanzura anoshanda zviri pamutemo achitungamirwa neUrban Councils Act, uye zvisungo zvinoteverwa nekanzuru zvinobva mumisangano inoitwa nemakanzuru aya, kwete kuti vanoteerera vekunze kana vemapato ezvematongerwo enyika.
VaChamisa vanoti vakaudzawo komisheni iyi kuti sezvo zita ravo rakasimudzwa munyaya iyi zvimwechete neremutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa, vose vanofanirwa kumira pamberi pekomisheni iyi vachipindurawo mibvunzo.
Komisheni iri kuferefeta huwori hunonzi huri kuitika mukanzuru yeHarare iyi yakaumbwa nemutungamiri wenyika muna Chivabvu gore rino vachishandisa masimba avanopiwa nechikamu 2(1) chemutemo weCommissions of lnquiry Act (Chapter 10:07).
Komisheni iyi yakapiwa mwedzi matanhatu yekuti inge yapedza basa, paine mukana wekuwedzerwa kwenguva yekushanda nemimwe mwedzi mitatu. Kana ichinge yapedza kuunganidza humbowo hwainoda, komisheni iyi inozopa gwaro rayo kunaVaMunangagwa mukati memwedzi mitatu mushure mekunge yapedza basa.
Forum