Accessibility links

Breaking News

Mamwe Madzimai neVasikana Vakaremara Votambura Kuwana mari yeKutenga Zvekushandisa muNguva yeKutevera


Mamwe madzimai akaremara anoti haakwanise kutenga zvekushandisa munguva yekutevera.
Mamwe madzimai akaremara anoti haakwanise kutenga zvekushandisa munguva yekutevera.

Madzimai nevasikana vakawanda vakaremara vanoti havana mari yekutenga zvinhu zvekushandisa munguva yekutevera, kana kuti sanitary pads sezvo vasina mabasa anovawanisa mari.

Nhunha idzi dzakabuda pamusangano wakaitirwa paWhatsApp nesangano re Social Economic Action for Transformation and Humanity (SEATH), uyo wakapindwa nevanhukadzi vakawanda.

Mumwe wevakatarisana nedambudziko iri, Muzvare Vimbai Chese, vakati vasikana vazhinji vakaremara vanotadza kuenda kuchikoro kana nguva yavo yekutevera yasvika nekuti vanenge vasina zvipfeko izvekushandisa izvi.

“Hatikwanisi kuwana mari yekunotenga mapads sekumaruwa vanasikana vari kurovha zvikoro uye zviri kuti affecta zvikuru, kana vavekutevera havachaendi kuchikoro.”

Vachipawo pfungwa dzavo pamusangano wakaitwa neMugovera wapfuura, mumwe mudzimai, Amai Judith Makasi, vakati dambudziko rekushandisa micheka kana zvimwe zvisina kufanira rinoisa madzimai nevasikana panjodzi yekuita chirwere chegomarara rechibereko.

“vari kushandisa micheka nezvimachira zvisingatenderwi uye zvisiri unhealthy, izvi zvinokenzera infection nezvirwere zvakaita sana cancer nekuti chibereko chinozopindwa ne tsvina,”

Mukuru webasa musangano reSEATH, Amai Tendai Mafuka, vakati zvakabuda mumusangano uyu zvinosiririsa uye vakakurudzira hurumende kuti ipe madzimai akaremara zvipfeko izvi pachena.

“tarwadziwa zvikuru nezvabuda mumusangano pa dambudziko riri kusangana navo kunyanya vechidiki pakuwana sanitary wear, tinokuridzira hurumende iite zvirongwa zvekutsvagira madzimai akaremara sanitary wear pamwe nemasangano akazvimiririra, isu tine chirongwa chatirikupa madzimai echidiki akaremara mapads asi hatingakwanisi nyika yese.”

Asi vanoona nezvekufambiswa kwebasa munyaya dzevakaremara mubazi rezvekugarisana zvakanaka kwevanhu munyika, Dr Christine Peta, vanoti hurumende ine zvirongwa zvekubatsira madzimai akaremara nezvipfeko izvi pachena.

“Tinoshanda takabatana neMinistry of Women Affairs kuti madzimai akaremara awane sanitary wear sema pads nema tampon uye tinoshanda zve nemasangano akazvimirira kuvapa zvipfeko izvi.”

Dr. Peta vanotiwo hurumende ine zvirongwa zvakare zvekuitira madzimai akaremara maprojects anovapa mari kuti vakwanise kuzvitengera zvipfeko izvi.

“Tinoita a human rights based approach yekuona kuti tawanisa madzimai akaremara mari dzema projects kuti vawane mari yekuzvitenga zvavanoda kusanganisira ma sanitary wear.”

Vanoona nezvekufambiswa kwembasa musangano rinorirwa kodzero dzevakaremara reInsititute of Community Developpment, Muzvare Vongai Tinarwo, vanoti kushaikwa kwezvinhu izvi kunotyora kodzero dzehutano kumadzimai akaremara.

Vakurudzira hurumende nemasangano akazvimiririra kuti paitwe zvirongwa zvekupa ma sanitary pads vasikana vakaremara vachangotanga kutevera.

“saka zvandinokurudzira ndezvekuti pavanoenda muzvikoro vanofana kutanga kupa vanasikana vakaremara mapads iwaya uye pavanoenda munharaunda vatange mhuri dzine vana vakaremara ”

Madzimai anoti zvipfeko zvinodiwa pakutevera zvinotangira pamadhora maviti ekuAmerica zvichikwira.

Hatina kukwanisa kuwana huwandu hwemadzimai akaremara munyika asi vakaremara vese munyika vanosvika zvikamu gumi kubva muzana.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG