Munyori mukuru weZanu PF, VaObert Mpofu, vapindira mugakava riri pakati pemunyori weboka revechidiki, VaTino Machakaire, nemutevedzeri wavo, VaJohn Paradza zvichitevera danho rakanga ratorwa naVaMachakaire rekumisa basa dzimwe nhengo dzeboka iri vasina kutanga vagara pasi nevamwe vavo.
Nekuona kukandira makobvu nematete kwanga kwoitwa nevaviri ava, VaMpofu vazonyora tsamba vachitsiura VaMachakaire kuti havana kutevera gwara mukutora danho rekumisa pamwe nekudoma dzimwe nhengo, zvichireva kuti zvose zvavakaita zviri kunze kwemutemo.
Tsamba yaonekwa neStudio 7 inonzi yabva kuna VaMpofu inotsanangura kuti danho iri rakatorwa pasina wirirano yehutungamiri weboka revechidiki uye karuna kukomborerwa nePolitburo kana Central Committee sezvinodiwa neArticle 26 Section 330 (2) ya2022 yebumbiro remitemo yeZanu PF.
Ukuwo, matunhu eBulawayo, Matabeleland North neSouth anonzi akanyorerawo hutungamiri achinyunyuta kuti kuvandudzwa kweboka revechidiki kwakaitwa naVaMachakaire kwakasiya matunhu aya asisina humiriri muboka revechidiki.
Vamwe vanoongorora zvematongerwo enyika vanoti kurwisana kuri muboka revechidiki uku ndizvo zvinoratidza kuti mubato riri kuonga iri hamuchina kugadzikana kubva zvatanga nyaya yekuti mutungamiri webato vari muutungamiri wenyika, vaemmerson mnagagwa varambe vari panyanga kusvika muna 2030.
Asi Nhengo yevechidiki muZanu PF,VaSnowball Tongogara vanoti hapana chinganzi muboka revechidiki hamuchina kugadzikana sezvo kutaudzana kwakaitika uku kwaive kwakanangana nekuvaka bato.
Asi vechidiki vanoongorora zvematongerwo enyika vakazvimirira, VaMakomborero Haruzivishe vanoti zviri kuitika izvi zvinoratidza kuti vechidiki havana remangwana rakajeka sezvo bato riri kutonga riri iro rakabata remangwana ravo mune zvemigodhi kana zvekurima.
Forum