Harare – Dare reSeneti rinopasa bhiri rekubvisa mutemo wemutongo werufu, kana Death Penalty Abolition Bill, uye zvasarira mutungamiriri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, kusaina bhiri iri kuti zvichiva pamutemo.
Izvi zvatambirwa nemufaro nevakwanda avo vakurudzira VaMnangagwa kuti vasaine bhiri iri kuve mutemo sezvo ivo VaMnangagwa pachavo, vakavimbisa kuti vachabvisa mutemo wemutongo werufu munyika pavakatora matomu muna2017.
Mumiriri weDzivaresekwa muparamende, VaEdwin Mushoriwa, vebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change avo vakakwidza bhiri iri kuparamende vaudza Studio7 kuti vanofara nezvakaitwa nedare reSeneti uye vamirira kuti mutungamiriri wenyika asaine.
“Mutemo uyu kana ukange wasainwa wakuita kuti Zimbabwe inge yakabatana nedzimwe nyika dzakawanda pasi pano, kunyanya mudunhu reSADC kuti tifamne mugwar idzva tichiziva zvakare kuti mutemo wekutongera munhu rufu hausi mutemo uri maringe netsika dzedu, hausi maringe kana neshoko raMwari nekuti tinoziva kuti munhu wekutanga kuuraya akanga ari Cain akauuraya Abel asi Mwari havana kumutongera rufu.”
Mukuru wesangano reZimbabwe Association for Crime Prevention and Rehabilitation of the Offender (ZACRO), VaEdson Chiota, vatenda dare reSeneti nekupasa Death Penalty Abolition Bill.
“Toda kupa kutenda paramende yeZimbabwe, ndinovimba kuti mutungamiriri wenyika, nerukudzo rwavainarwo vachaitawo nvachitarisa zvikuru zvaitwa neparamende yeZimbabe setarisiro yevana veZimbabwe kuti mutemo uyu unge uchibviswa.”
Vanoona nekufambiswa kwezvirongwa musangano ravanachipanamazano munyaya dzemutemo, reVeritas, Amai Kuzivakwashe Chingoma, vaudza Studio 7 kuti zvaitika zvakanaka chose nekuti zvinoreva kuti hapana munhu achaurayiwa kunyange akapara mhosva ipi zvayo.
“Zvazvinoreva ndezvekuti hapana munhu achatongerwa rufupane imwe neimwe mhosva mukati menyika inoyeZimbabwe uye izvi zvaitwa nedare reparamende zvinoenderana nembumbiro remutemo repasi rese atinoti iwo maInternational Human Rights Instruments saka nhasi izuva rakanaka rekufara tichifarira kuti paramende nehurumende yatevedzera magwaro emutemo epasi rese.”
Mumashoko avo kuvatori venhau mukuru wesangano reAmnesty International Zimbabwe, Amai Lucia Masuka, vapembedza dare reSeneti vachiti zvaraita zvaratidza kukunda kwavo nevamwe vese vange vari kurwira kubviswa kwemutemo weDeath Penalty pamwe nekuchengetedza kodzero dzevanhu kuhupenyu.
Amai Masuka vati vanotaririsira kuti mutungamiriri wenyika vachaisaini bhiri iri nekukasika kuti rive mutemo.
Vachivhura chikamu chechipiri cheparamende yechigumi, VaMnangagwa vakakurudzira paramende kuti ipasise mabhiri ese asina kupasa muchikamu chekutanga kusanganisira Death Abolition Bill.
VaMnangagwa pachavo, avo vakatongerwa rufu nenyaya dzekuita chitororo, panguva yehondo, vakapona nekuti vaive pasi pemakore makore makumi maviri nerimwe (21), vakavimbisa kubvisa mutongo werufu pavakatora matomu muna 2017.
Zimbabwe ine vasungwa makumi matanhatu nevaviriri (62) vakatongerwa rufu asi yakapedzisira kuuraya vanhu muna 2005.
Forum