America yakatambira kumusha zvizvarwa zvayo zvitatu zvakadzoka zvaive muhusungwa muChina kwemakore akawanda. Mark Swidan, Kai Li naJohn Leung vakadzoka kuAmerica mukupera kwaMbudzi.
Mark Swidan akakandwa mujeri muChina zvisiri pamutemo achipomerwa mhosva yekuve nechekuita nezvinodhaka muna 2012. Akanga akachengetedzwa mujeri re Jiangmen akapiwa mutongo werufu muna 2019. Sezvinotaurwa negwaro reUnited Nations riri pamusoro pekusungwa kwevanhu zvisina tsarukano, re United Nations Working Group on Arbitrary Detention, kunyange hazvo mutongo wake werufu wakanonoka kuturwa, Swidan akatarisana nemagariro asina kutsvinda mujeri uye aigara achinyimwa mukana wekurapwa.
Kai Li akasungwa zvisina tsarukano mu China muna 2016 achipomerwa mhosva yemanyepo yekuti aive musori achishandira boka rematkitivha remuAmerica reU.S. Federal Bureau of Investigations. Akatongwa pasina aiziva, akatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi.
John Leung akasungwa muna 2021 achipomerwa mhosva yekusora.
Kudzoka kwaSwiden, Li naLeung, kunotevera kusunungurwa kwechimwe chizvarwa cheAmerica chakakandwa mujeri zvisiri pamutemo neChina, David Lin. Lin aive mufundisi akanga ari muhusungwa muChina kwemakore anodarika makore makumi maviri asati aburitswa muna Gunyana.
Kuburitswa muhusungwa kwese uku kwakauya mushure memwedzi yakawanda yekutaurirana pakati peAmerica neChina.
Mumashoko kuvatori venhau, mutauriri webazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, VaMatthew Miller vachikurukura nezvekuburitswa muhusungwa kwa Lin vakati, “Nguva yose apo gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika raisangana nevakuru muhurumende yeChina, raisimudza nyaya yaDavid Lin nezvimwe zvizvarwa zveAmerica zvakasungwa zvisiri pamutemo, uye rakati richaramba richirwira kuti zvimwe zvizvarwa zveAmerica zvakasungwa zvisiri pamutemo zvisunungurwe.”
Gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAntony Blinken vakanyora padandemutande re “X” kuti vakave nemukana wekutaura nevarume vatatu ava “apo vakadzoka kumusha kuAmerica panguva yakanangana nezororo re Thanksgiving.”
Vakati, “Ndakavaudza kuti ndiri kufara sei kuti vaive vaine hutano hwakanaka uye kuti munguva pfupi vainge vachizosangana nevadiwa vavo.”
Hurumende yaVaBiden yaedza kakawanda kuburitsa muhusungwa zvese zvizvarwa zveAmerica zvakasungwa zviri kunze kwemutemo mhiri kwemakungwa.
Mukutanga kwegore rino, mutungamiri wenyika VaJoe Biden vakatara musi wa Kurume 9 sezuva rekurangarira zvizvarwa zveAmerica zvakasungwa zvisiri pamutemo kunze kweAmerica kana kuti U.S. Hostage and Wrongful Detainee Day.
Muchiziviso ichi, VaBiden vakanyora vachiti, “Nhasi, nemazuva ose, America inosimbisa kuzvipira kwakakomborerwa kuzvizvarwa zveAmerica zvose zviri muhutapwa nemumajeri zvisiri pamutemo kunze kwenyika. Tinokuonai. Tinomira nemi. Hatisi kuzomira kushanda kusvika madzoka kumba muchisangana zvakare nemhuri dzenyu.”
Mushamarari: Ayo anga ari mashoko anoratidza maonero ehurumende yeAmerica.
Forum