Zvichitevera kufa kwemhuka dzesango, zvipfuwo pamwe nehove nekuda kwemvura yemudhamhu reLake Chivero ine hutachiona, bazi rinoona nezvekuchengetedzwa kwemhuka dzesango reZimbabwe Parks and Wildlife Management Authority, ZimParks, rinoti rakatanga kuita ongororo netsvakurudzo yekuda kuona kushata kwedambudziko iri uye kuti rakakonzerwa neyi.
Mutauriri weZimParks, VaTinashe Farawo, vanoti zvavaona kusvika pari zvino zvinoratidza kuti mvura iri kusvibiswa nekanzuru yeguta reHarare.
"Mutsvakurudzo dzataita pari zvino tiri kuona kuti kune tsvina iri kupinda mudhamu redu muLake Chivero. Tsvina iyi painenge yapinda iri kusvibisa mvura. Mvura iyi yozoita ma bacteria zvinove zvinoita kuti mhuka dzirasikirwe nehupenyu."
VaFarawo vanoti tsvakurudzo yavo inoratidza kuti zvipembere zvina, mbizi nhatu, ngongoni ina, makondo mana, hove, pamwe mbudzi nemombe zvemumapurazi ari pedyo zvakafa nekuda kwemuchetura wakakonzerwa nekusvibiswa kwemvura iyi.
Asi vanoti vari kutora matanho ekugadzirisa dambudziko anosanganisira kuisa mvura yakachena munzvimbo dzinonwirwa nemhuka dzesango kuitira kuti dzisaenda kunonwa mudhamu.
Vari kukurudzira veruzhinji pamwe nemapoka ose ane chekuita nekuchengetedzwa kwemvura yemuLake Chivero kuti vaite bandiko ravo mukuona kuti mvura yagara yakachena.
Hatina kukwanisa kunzwa divi rekanzuru yeHarare panyaya iyi.
Forum