Paramende neMuvhuro yakatanga kunzwa pfungwa dzeveruzhinji pabhiri rekuvandudza mutemo wezvekutepfenyura munyika, weBroadcasting Services Amendment Bill, vemasangano anomirira vatori venhau vachikurudzira kuti mutemo uyu uvandudzwe.
Vanoti izvi zvinozoita kuti Broacasting Authority of Zimbabwe (BAZ) ive yakazvimirira kuitira kuti gurukota rezvekuburitswa kwemashoko risapindire pamashandiro.
Vanotiwo nhepfenyuro yeZimbabwe Broadcasting Corporation inofanirwa kuita zvido zveveruzhinji kwete kuita zvido zvebato iri kutonga reZanu PF chete.
Sachigaro vesangano remubatanidzwa wemasagano anomirira vatori nenhau munyika, reMedia Alliance of Zimbabwe, VaPerfect Hlongwane, vanoti BAZ inofanira kusunungurwa kubva kugurukota rezvekuburitswa kwemashoko kuitira kuti iite basa rayo isina kwayakarerekera.
Vanotiwo havabvumirane nezviri mubhiri zvekumanikidza vane dzimotokari kuti vatenge marezenisi eZBC vasati vatenga mutero wedzimotokari dzavo vachiti urwu rusarura ruri pachena.
“Izvozvo tinoona sekuti zvinosarura chikamu chevana veZimbabwe vanove vane dzimotokari asi iye zvino vanhu vaniterera marhedhiyo vachishandisa midziyo yakasiyana siyana kusanganisira mbozhanhare, saka vari pamafoni vachaita sei. Tinofunga kuti kana mutemo uyu uchigadziirwa ngausava mutemo unonangana nechikamu chavegari asi mutemo unongana nevanhu vese.”
Vanotiwo mari yemarezenisi haifaniri kuenda kuZBC chete vachiti mari idzi dzinofanira kuenda muhomwe yeBroacasting Fund kuitira kuti ibatsire nhepfenyuro dzese, kusanganisirawo dzematunhu kana kuti maCommunity Radio Stations.
Vanotiwo ZBC inofanira kushandura mashandiro ayo kuitira kuti iburitse zvirongwa zvinofarirwa neveruzhinji vachiti kana izvi zvikaitika veruzhinji vanotenga marezenisi pasina kumanikidzana.
“KuZBC zvirongwa zvacho hazvinakidzi chepiri zvirongwa zvacho zvinenge zvakarerekera kunezvematongerwo enyika zvikuru sei kubato ririkutonga reZanu PF, nazvozvo vanhu vanoti tinoda kuti ZBC ivandudzwe iite zvido zvevanhu,”
Mumwe mugari wemuHarare, VaSimon Gativhu, vanoti sezvo ZBC iri kambani yehurumende, hurumende inofanira kuona kuti ZBC yaita basa nemazvo vachiti pari zvino veruzhinji havafari nematepfenyuriro ainoita.
“Hurumende nagaivandudze mabasa ekutepfenyura kuti tisanotsvage masaisai kuDSTV kana kuSABC isu tiineZBC. Ngatiifarire iyo ichitipa zvatinoda”
Vakawanda vapinda musangano uyu vashora nyaya yekuda kumanikidza vane dzimotokari kutenga marezenisi vachiti mazuvano vanhu vave kuteera marhedhiyo akawanda nekuona materevhizheni vachishandisa michina yakasiyayayna siyana kusanganisira nhare mbozha.
Asi vamwe vakaita saVaRobson Mandu, avo vakamboshanda kuZBC asi vapinda musangano uyu vakamirira Zanu PF, vanotsigira zviri kurongwa mubhiri iri vachiti mabasa ekutepfenyura anoda mari.
Vanoti nhepfunyuro dzakaita seSABC, idzo dzinoita basa radzo nemazvo, dzinotsigirwa nemari kubva kumarezenisi.
VaFarai Pearson vesangano reZimbabwe Legacy Foundation, vanotiwo ZBC inhepfenyuro yenyika uye inofanira kutsigirwa nemari vachiti pari zvino vanhu vari kuteerera nhepfenyuro dzekunze dzisingataure chokwadi uye ZBC inotadza kukwikwidzana nenhepfenyuro idzi nekuti haina zvikwanisiro.
“Tiri kuona kuti zvirongwa zvepaZBC hazvisi kutifadza saka tiri kuda mari yekuti ZBC iite zvirongwa zvinotifadza uye kuti masaimasai asvike kwese kwese. Mukatarisa kumaruzevha vanhu havasi kutoziva kuti chii chiri kuitika, zviri kuita sekuti ZBC ndeye mu town chete, vana Classic 263 ndevemu town. Saka toda mari kuti iende kuZBC.”
Sachigaro wekomiti yeparamende inoona nezvekuburitswa kwemashoko nekutepfenyura, VaCaston Matewu, vanoti vari kutenderera nenyika yese vachinzwa pfungwa dzevanhu uye itarisiro yavo kuti gurukota rezvekuburitswa kwemashoko richateerera pfungwa dzeveruzhinji pasati padzikwa mutemo mutsva uyu.
Zvimwe zviri mubhiri iri kubvumidza makambani ekunze kuti apindewo mubhizinesi rekutepfenyura asi achibvumidzwa kuva nezvikamu zvehupfumi makumi mana kubva muzana mumakambani ekutepfenyura muZimbabwe pamwe nekuti makambani aya ashandise mitauro yese gumi nemitanhatu iri mubumbiro remutemo pakuita basa rawo.
Forum