Masangano anomirira vagari vemuHarare, anoti reCombined Harare Residents Association, Harare Residents Trust neCombined Water Alliance, abata pakuita musangano nevatori venhau achipa maonero awo padambudziko rekusvibiswa kwemvura yemudhamu reLake Chivero neKanzuru yeHarare.
Mukuru wesangano reHarare Residents Trustv VaPrecious Shumba, vanoti chinangwa chemusangano wavo pamwechete changa chiri chekuti vazivise veruzhinji nezvedambudziko iri.
VaShumba vanoti zviri pachena kuti kanzuru yeHarare iri kushandisa mari yakawanda mukuedza kuchenesa muvra asi iyo kanzuru yakabatana neboka reEnvironmental Managemet Agency vari kutadza kubatana kuti vanatse kugadzirisa nyaya dzekuona nezvezvakatikomberedza pakatarisana nemusangano weCOP15 uriko gore rinouya.
"Tiri kuona kuti Lake Chivero sezvo iri Ramsar site inove nzvimbo inoremekedzwa pasi roseiri kusvika mukati mekusangana netsvina, zvinoreva kuti zvisungo zveZimbabwe pasi rosenezvibvumirano zviri mu Constitution nemimwe mitemo, zviri kutyorwa," VaShumba vanodaro.
Vanoti vvari kukurudzira kuti dai mutungamiri wenyika nehurumende yavo vaedza kutarisa nyaya iyi vaiite sechimbichimbi inoita kuti itarwe se"state of diasaster," zvinozoita kuti pakwanise kuunganidzwa nevanhu vakasiyanasiyana mari, zvikwanisiro, uye vanhu vane hunyanzvi neruzivo kuti tochenesa seri mvura iri muLake Chivero.
Mutauriri weZimbabwe National Parks and Wildlife Management Authority, ZimParks, VaTinashe Farawo, vakazivisa kuti tsvakurudzo yavakaita yakaratidza kuti zvipembere zvina, mbizi nhatu, ngongoni ina, makondo mana, hove, pamwe nmbudzi nemombe zvemumapurazi ari pedyo zvakafa nekuda kwemuchetura wakakonzerwa nekusvibiswa kwemvura iyi yemudhamu reChivero.
Hatina kuwanisa kunzwa divi rekanzuru panyaya iyi sezvo mutauriri wekanzuru yeHarare VaStanley Gama vanga vasati vapindura mibvunzo yedu yatavatumira tisati taenda pamhepo.
Forum