Masangano anoshanda akazvimirira munyaya dzekuchengetedzwa kwekodzero dzevechidiki, dzevanasikana pamwe nemadzimai anoti huwandu hwevasikana vasati vabva zera vari kutengesa miviri yavo senzira yekuwana nayo mari huri kukwira, masangano aya achiti panoda kuitwa mubatirapamwe nekukasika kuti dambudziko iri rigadziriswe sezvo riri kukanganisa hupenyu hwevana ava.
Nzvimbo dzinosanganisira Hopley, Mabvuku neEpworth muHarare, Chitungwiza neDomboshava ndedzimwe dzinonzi vana vane mazera anogona kutangira pamakore gumi nemana (14) vari kuita chipfambi nevarume vamwe vanogona kunge vaine makore anodarika makumi mashanu (50) ekuberekwa.
Dzimwe nguva vanasikana ava vanonzi vanopiwa dhora rimwechete rekuAmerica semubhadharo wekuita zvepabonde.
Muzvare Primrose Manyange, musikana anogara muHopley vaudza Studio 7 zvimwe zvavanofunga kuti zvinogona kunge zviri kukonzeresa kuti vasikana vadiki vemunzvimbo iyi vatengese miviri yavo.
“Vana vacho vakawanda vanoita izvi havana zvekuita uye vatoriwo nevana vavo vanenge vachida kuriritirwawo. Saka vanoona chipfambi iri nzira yekuvawanisa raramo. Dzimwe nguva vabereki ndivo vanovakurudzirawo kuita izvozvo kubudikidza nematauriro avo uye nemaitiro. Hatingati vasikana ava havana ruzivo nekuti kazhinji hurumende nemasangano anoshanda akazvimirira vanofamba vachikusha shoko maererano nekuzvichengetedza kune vechidiki.”
Mumwe musikana wechidiki, Muzvare Marble Jamu, vanogara kuDomboshava vanoti vabereki vari kusundirawo vana vadiki mukuita chipfambi.
“Vakuru vanoti mbudzi kudya mufenje hufana nyina, naizvozvo mabasa anoitwa nevabereki akafanana nehupfambi, vana vanenge vachimaona, vobva vaitawo saizvozvo. Dzimwe nguva dai vabereki vaiitira zvavanoita kure nevana, zvaibatsira.”
Mukomana abva zera anoshanda nesangano reFemale Students Network Trust, VaNorbert Kuvamudiki, vanoti nhamo ndiyo honzeri huru pakutengeswa kwemiviri nevanasikana ava.
“Vanhu vari kunonga svosve nemuromo munyika, zvinoita kuti vasikana vanogara munzvimbo idzi vaone sekuti kutengesa muviri inzira ingavawanisawo raramo. Vakaedza kutengesa zvinhu mudhorobha, vanoswera vachimhanyiswa nemapurisa ekanzuru, zvinovasiya vasina dzimwe nzira dzekuvawanisa mari yezvekudya. Chinosiririsa ndechekuti vamwe vana vacho vanenge vari vadiki chose, asi vachitoriwo nevana vavowo.”
Sangano reGirls and Women Empowerment Network rinoti patsvakurudzo yarakaita maererano nenyaya iyi zvakabuda pachena kuti dzimwe nguva vanasikana vanoita chipfambi vari kushaya dzidziso yakadzama kubva mudzimba dzavanogara.
Mukuru wesangano iri, Muzvare Kumbirai Kahiya, vanoti kutengesa miviri kwevana vadiki ava, haisi sarudzo yavanoita asi kuti vanenge vachitombunyikidzwa.
“Yeukai kuti bumbiro redu remitemo rinoti hakuna mwana ari pasi pemakore gumi nemasere anokwanisa kuita sarudzo yekuenda pabonde, zvinoreva kuti ani nani anoita zvebonde naye, anenge amumbunyikidza. Saka pamutemo zvakafanana nekuti vana ava vari kubatwa chibharo. Asi mukutaura navo, vanoti dzimwe nguva havana zvekuita kudzimba, uye vanenge vachitsvagawo chingavapa raramo, ndizvo vachizopindana nekutengesa miviri.
Asi mukuru anoona nezvemabhizimusi achiri kukura mubazi rinoshanda nemadzimai, Engineer Francis Gondo, vanokurudzira vasikana nemadzimai kuti vatore mikana yakachena yekuzvisimudzira yavanowaniswa nehurumende.
“Hurumende yedu ine zvakawanda zvainoitira madzimai, kusanganisira kuvapa ruzivo maererano nekuvamba mabhizimusi, uyewo kuti vawane mari yekutanga mabhizimusi aya. Mikana yakadai inokwanisisa vasikana nemadzimai aya kuti vawane chouviri kubva mukushanda nemaoko avo.
Nyanzvi inoongorora nyaya dzevechidiki uye vari mukuru wesangano reShamwari Yemwanasikana, Muzvare Ekenia Chifamba, vanoti panoda mushandirapamwe kuti dambudziko rechipfambi muvana ripere.
“Tinoda kutangira kudzimba chaiko, kuti vana vanoda kuchengetedzwa, kunyanya avo vane vabereki vari mhiri kwemakungwa. Kuvarume vari kuita bonde nevana vadiki ava, ndinoti dai masiyana netsika yakadai, muone vana ava sevana venyu, hanzvadzi kana kuti vazukuru. Ngatisiyeiwo tsika dzechivanhu dzinokurudzira kuti vana vatengese miviri. Kumakereke uko, shoko rekuti vana vazvichengetedze rinodawo kukushwa.”
Komisheni inoona nezvekuwaniswa kwemikana yakaenzana pakati pevanhurume nevanhukadzi, yeZimbabwe Gender Commission, inoti kutengesa miviri muvana hakusi kuitika mumadhorobha chete, asi kunzvimbo dzakafanana nekunocherwa zvicherwa kune makorokoza uye nemumigwagwa mikuru yenyika inofamba nemagonyeti.
Vanasikana vanoita zvekutengesa miviri ava, vanonzi dzimwe nguva vanotapurirwa zvirwere zvepabonde; kuita pamuviri panenge pasina kurongwa; kana kusapiwa mari yavanenge vawirirana nevarume vavanoita zvepabonde navo.
Gwaro rakaburitswa nesangano reAssociation of Child Protection Professionals muna 2022 rinoratidza kuti pane zvikonzero zvakawanda zviri kupa kuti vanasikana ava vatengese miviri yavo asi chikuru inyaya yenzara. Gwaro iri rinotiwo kunyange hazvo dambudziko iri richinyanya kubata vanasikana, vanakomana vari kutengesawo miviri yavo.
Zvimwe zvinonzi zvinosunda vana kupinda mumambure aya inyaya yekutungamira mhuri mushure mekushaya kwevabereki, kana kushandiswa nevechikuru vanenge vavanyengedza kana kutumwa nevabereki.
Forum