Vamwe vakaremara munyika vanoti havana chekupemberera pamazororo eKisimusi negoredzva zvave kusvika sezvo vasina mari dzekutenga zvavanoda pakupemberera kana dzekufambisa kundoona hama neshamwari kana kushanyira nzvimbo dzekutandarira dzakasiyanasiyana. Godfrey Mtimba anotipa nyaya inotevera.
Vachitaura neStudio 7, vakaremara ava vanoti gore rino vange vakaomerwa zvakaita kuti vasvike nguva ino yezororo vasina mari zvichikonzerwa nekushaiwa kwemabasa kana cheuviri chinounza mari muhomwe dzavo zvasvitsa kuti vatarisane neKisimusi vasina chinhu.
Mumwe wevakadai ndiAmai Memory Masunga veku Ward 12 kwaChivi, avo vanoti gore rino hupenyu hwakavaomera zvekuti havana kana mari yekutenga chikafu chemhando yepamusoro chinoenderana nezororo guru iri chekuti vadye nemhuri.
“Kuti uti kunotenga zvinhu kuzvitoro hazvitengeki ende isu mari yacho toiwanepi? Ukachiti iwo ma ZiG haana kana zvaanomboshanda, mazino chaiwo. Kungofara kuti inguva yekuzvarwa kwaJesu yapfuura.”
Vamwe vakaremara vanoti nekuda kwekushaya mari uku havakwanisi kuenda kunzvimbo dzekushanya kana dzemafaro. Vashoma vanoti vangangokwanisa vanoti vanozotadziswa nekuda kwekuti nzvimbo zhinji hadzisviki nevanofamba nema wheelchair pamwe nemadhondoro sezvo dzisina kugadzirwa zvinoenderana navo.
Ukuwo, Amai Nancy Mualana, avo vanofamba nemadhondororo vanoti kunze kwekushaya mari rimwe dambudziko riri pane chekufambisa chinoenderana nevakaremara sezvo vasingazokwanisi kusundana nevanhu pamabhazi.
“Chinotigozhera mari chaiyo inenge isipo uye kuenda kumusha pressure chaiyo pamabhazi hatigoni uye kuti tasvika ikoko tozotadza kufamba nema wheelchair. Tinenge tichitoda kuendawo kana kunana Great Zimbabwe asi hatizokwansisi,”
Mukuru wesangano rinorwira kodzero dzevakaremara reDisability Amalgamated Community Trust, VaHenry Chivanga, vanoti zvinhu zvakaomera vakaremara vakawanda gore rino.
“Asi yegore rino zvokwadi kuvanhu vakaremara tichangomwira mvura huku yadyiwa kwaSabhuku nekuti zvinhu zvacho zvakatooma. Kunyange vasina hurema vari kushaiwa, saka kana zvichidaro kumuti munyoro kuzoti kune wakaoma.”
Amai Judith Makasi, vekwaChikomba kuChivhu, vanoti kunyange zvinhu zvakaoma vachapemberera kuzvarwa kwaJesu nechipo chehupenyu kubva kune Musiki.
“Kunyange zvakatiomera ndinoda kudzokorora kuti tinoshuvira kuti tinege tichifara nevamwe muma church tigoshuvira kupinda mugore ra2025 hameni hameni”
Hatina kunzwa kuti hurumende ine zvirongwa zvipi nevakaremara pakupemberera zororo iri sezvo vanoona nezvemabasa mubandiko revakaremara muhurumende, Doctor Christine Peta vanga vasati vapindura mibvunzo yatavatumira tisati taenda pamhepo.
Asi munyori mukuru muhofisi yegurukota redunhu reMasvingo, Doctor Addmore Pazvakavambwa, vanoti hurumende kubudikidza nemudzimai wemutungamiriri wenyika Amai Auxilia Mnangagwa iri kuitira vakaremara mabiko eKisimusi munyika kuti vafarewo sevamwe.
“Takatoona Her Excellency vachitotipa ma grocery evakaremara kuti tikwanise kuendesa kune vakaremara.Pane hurongwa hwakawanda hwekuitira vakaremara kuita give out ma Christmas goodies kuti vafarewo sevamwe.”
Mukuru wesangano revabereki vane vana vakaremara, reZimbabwe Parents of the Handicapped Children Association, VaRonald Mazango, vari kuHarare, vanoti gore regarega vanoitira vana vakaremara mabiko eKisimusi.
“Pane hurongwa hwekuti gore-rega rega kisimusi isati yasvika tinoita mutambo weChristmas party saka totsvagawo zvikwanisiro munyika mese tovafadzawo, saka gore rino mutambo uripo.”
Vanhu vakaremara munyika vanosvika zvikamu gumi kubva muzana zvehuwandu hwenyika yose hwevanhu mamiriyoni gumi nematanhatu (16,779,508.) Vazhinji vavo vanorarama kuburikidza nekuita mabasa emaoko, kupemha kana kuita mamwe mabasa ekungoti vawane cheuviri.
Sangano re UNICEF Zimbabwe rinoti vana vakawanda vakaremara vanosiiwa muzvirongwa zvinopa mikana yekuti vakwanise kuzviraramisa, izvo zvinozoita kuti remangwana ravo ringe risina kujeka.
Forum