Zvizvarwa zveZimbabwe zvabatana nepasi rese kucherechedza zuva rekufamba kwevanhu kubva mune imwe nyika vachipinda mune imwe, reInternational Migration Day.
Zvimwe zvizvarwa zveZimbabwe zviri kune dzimwe nyika zvinoti zvinonetseka nematambudziko akaita serusarura, kugadzirisa magwaro ehugaro hwazvo, kusiyana kwemitauro uyewo tsika dzekunyika itsva dzazvigere.
Mukuru wesangano reInternational Organization For Migration, Amai Amy Pope, avo vakashanya kuZimbabwe mazuva mashoma adarika, vakati sangano ravo rakazvipira kushanda neZimbabwe munyaya dzese dzine chekuita vabvakure uye nekubatwa zvakanaka kwevese vanobva kune dzimwe nyika.
Hatina kukwanisa kunzxwa kuti hurongwa hupi hwaitwa nehurumende kucherechedza zuva iri.
Murwiri wekodzero dzevanhu vari gweta rinoshanda nesangano reAll Hands On Justice, VaKennedy Masiye, vanoti zuva iri rakakosha pasi rese asi pachine zvizhinji zvinoda kugadziriswa kuti vanobva kune dzimwe nyika vagone kutambirwa munyika dzvanege vaenda kunogara.
Muna 1990 sangano reUnited Nations rakapasisa chisungo chekuti musi wa 18 Zvita rive zuva rekuti nyika dzese pasi rino dzicherechedze nekuremekedza kodzero dzevabvakure.
Forum