Mutungamiri weZanu PF, zvekare vari mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, vanoti bato ravo riri kutonga raita basa rinonwisa mvura mukusimudzira hupenyu hweveruzhinji, pamwe nehupfumi hwenyika. Asi vagari vakawanda munyika nemasangano anoshanda akazvimirira, vanoti VaMnangagwa vari kurarama munyika yavo vega, sezvo vanhu vatsvukira nenhamo.
Vachitaura pamusangano wekupedzisira mugore rino wekomiti yepamusoro soro mubato reZanu PF, yePolitburo, VaMnangagwa varovera bato ravo maoko, vachiti zvisinei nezvimhingamipinyi zviraitarisana nazvo muhurumende, rakakwanisa kuti vana veZimbabwe vanyemwerere.
“Kunyange takatemerwa zvirango zvehupfumi, zvinova zvinonyanya kutidzosera kumashure, ndinofara kuti kushanda kwedu nesimba kwaita kuti hupfumi hwedu husimukire, uye vanhu vekwedu vasimudzirike mumararamiro avo. Ngatirambei tichishanda nesimba kuti zvese zvatinovimbisa vanhu, tizvizadzikise.”
VaMnangagwa vaenderera mberi vakatsiura dzimwe nhengo dzebato ravo, dzavati dziri kusvibisa zita reZanu PF, kubudikidza nekuyanika nyaya dzebato iri pamadandemutande, pane kutevedzera matanho anofanirwa kutorwa mubato, kana paine kutsutsumwa kuripo.
Vatiwo Zimbabwe ine zviwanikwa zvinokwanisa kuita kuti ive pamberi penyika dzemuAfrica munyaya dzekubika simbi, kana pakashandwa nemazvo.
Asi panyaya yekuti hupenyu hwevanhu hwakavandudzwa gore rino, vanozviramba mukuru werimwe sangano rinomirira vagari vemuHarare, reHarare Residents Trust, VaPrecious Shumba.
“Hameno kuti vari kurarama munyika ipi, nekuti kutaura kuno, vanhu vari kutadza kuenda kuzvipatara; kuwana zvekudya zvinokwana; kuendesa vana kuzvikoro; kana kubhadhara mitero yavo kukanzuru. Hurombo hwatowedzera kubva pavakapinda muhutongi.”
Asi mukuru wesangano reThe African Cause Trust, VaElton Ziki, vanoti zviripo zvikukutu zvaitwa nehurumende yeZanu PF.
“Vanhu vese vasingatarisi nyaya dzebudiriro negodo, vanokuudzai kuti zvakawanda zvaitwa nebato riri kutonga iri. Munyaya dzekuwanisa vashandi vehurumende mihoro iri nani, pamwechete nekuvapawo mabhonasi, zvinoda kutendwa. Munyaya dzezvicherwa uye kuedza kwavari kuita kuwanisa nyika mhando dzemoto, zvese izvi zvinoyemurika.”
Kunyange miono ichiita seinosiyana panyaya yekusimudzirwa kwehupfumi hwenyika, pamwechete nekuwanisa huchi nemukaka kuvana veZimbabwe kwataurwa naVaMnangagwa, sangano reZimbabwe Statistics Agency rinoti vanhu vanodarika zvikamu gumi nechimwe kubva muzana havana mabasa.
Asi mamwe masangano anoshanda akazvimirira, kusanganisira Zimbabwe Congress of Trade Unions, anoti huwandu uhwu hunogona kusvika kuzvikamu makumi masere kubva muzana (80%).
VaTafadzwa Mavhunga, avo vanoshanda nesangano rakazvimirira reProject Vote 263, vanoti zvichida dziriko dzimwe nzvimbo dzakabudirira zvinonwisa mvura munyika, kozoitawo dzakasarira.
“Tese tinoda kuti zvakanaka zviri kutaurwa izvi zviitike munyika medu. Zvichida pamwe kune kumwe kwazviri kuitika kusiri kuno. Kana zviri izvo, zvakanaka chose, asi kuno hatisati tazviona.”
Nyanzvi inowongorora zvematongerwo enyika, uye vari mudzidzisi paUniversity of Zimbabwe, VaLazarus Sauti, vanoti pachiri nemufambo kuti bato reZanu PF riti rafadza veruzhinji nekuvawanisa hupenyu hwakawanaka.
“Munyaya dzemafambisirwo ebasa rehurumende, pane zvakawanda zvisina kufamba zvakanaka. Mabasa hakuna uye hupenyu hwevanhu huchiri hwakaoma. Avo vanoti huri nani vanhu vaive vakazemberana nebato reZanu PF. Ruzhinji rwese rwusingakwanisi kusvika kumahofisi makuru iwawo, kutambura kwakaenderera mberi.”
Zimbabwe ndeimwe yenyika dzemuAfrica dzinonzi nebhanga repasi rese reWorld Bank, dzine hurombo hwakanyanya, kana ichienzaniswa nedzimwe, uye pane zvizhinji zvinoda kuitwa munyaya dzehupfumi hwenyika, pamwe nematongerwo enyika, kuitira kupedza kutambura kuri munyika.
Nyanzvi munyaya dzehupfumi pamwe nedzezvematongerwo enyika dzinoti Zimbabwe iri kuparara sezvo hurumende iri kutadza kugadzirfisa hupfumi hwenyika, kutadza kupedza huori muhurumende, uye kusava nehwaro hwezvematongerwo enyika hunofadza munhu wese.
Pamusangano mukuru weZanu PF waitwa uyu, VaMnangagwa vatorawo mukana wekuremekedza mushakabvu vakavigwa neSvondo yadarika, kupurazi ravo mumhemberekedzo yeguta reBulawayo, VaPhelekezela Mphoko.
Vakorokotedzawo Amai Netumbo Nandi-Ndaitwah, avo vaive vakamirira bato reSWAPO muNamibia, vakakunda musarudzo yemutungamiri wenyika yakaitwa muna Zvita, asi dzakanzi nevamwe dzaive dzisina kuchena.
Forum