Mutauriri wemapurisa nyika yose, Commissioner Paul Nyathi, vanoti mapurisa achange akagadzirira kuchengetedza runyararo munguva ino yezororo reKisimusi negoredzva.
Commissioner Nyathi vanoti mapurisa achishanda pamwe nemamwe mapoka akasiyanasiyana, vachange vari mumigwagwa yemunyika senzira yekudzivirira tsaona dzemumigwagwa idzo vanoti dziri kukwira, uyewo achange ari munzvimbo dzose dzichaunganwa neveruzhinji kuitira kudzivirira mhirizhonga.
Mapurisa mudunhu reHarare anga ari paMbare Musika achipa dzidziso kune veruzhinji vanofamba nemabhazi pasi pechirongwa chavo chakanangana nekuderedza tsaona dzemumigwagwa.
Mapurisa achishandawo nevashandi vebazi rezvehutano anonzi achange ari mumigwagwa achimisa vedzimotokari nemabhazi vachishandisa michina yekuona kana mutyairi anwa doro kana kushandisa zvinodhaka, kana kuti breathalyzers kuitira kubata vatyairi vanenge vakadhakwa.
Svondo rapera mapurisa akazivisa kuti vanhu gumi vakafa vamwe vakawanda vakakuvara mutsaona dzemumigwagwa dzakaitika nyika yose.
Gwaro rakaburitswa neWorld Health Organisation muna Chikunguru wegore rino rinoratidza kuti Zimbabwe iri pachinhanho chechina panyika dzemuAfrica dzine tsaona dzemumigwagwa dzakawanda.
Forum