Accessibility links

Breaking News

Apo Gore ra2024 Rosvika kuMagumo, Vamwe Vanoti raive Gore Rakavaomera Zvakanyanya


Gurukota rezvemari Mthuli Ncube.
Gurukota rezvemari Mthuli Ncube.

Apo gore rave kupera vamwe vanoti hupenyu huri kuramba huchiomera veruzhinji ukuwo mabhizimisi nemaindaistiri zvichitatarika nekuda kwekusagadzikana kwezvehupfumi zvisineyi nekuti nyika yave nemari itsva munyika, kukura kunonzi kwakaita hupfumi pamwe nekukwanisa kuve nemari yakasara muhomwe yehurumende.

Kwegore rechina kubva mugore ra2021 hupfumi hwenyika hwakakura zvekare mugore rino rave kupera ra2024, kunyange hazvo kukura uku kwakaderera pane kwaitarisirwa nekuda kwekusanaya zvakanaka kwemvura.

Gurukota rezvemari, Muzvinafundo Mthuli Ncube, vakati mugore ra2025 hupfumi hunotarisirwa kukura nezvikamu zvitanhatu kubva muzana, asi vamwe vanoti kukura kwehupfumi uku hakuna zvakawanda zvakunobatsira veruzhinji.

Mudzidzisi wezvidzidzo zvebudirio paMidlands State University, VaArthur Chikerema, vanoti veruzhinji vacharamba vachinonga svosve nemuromo nekuda kwezvikonzero zvakasiyana-siyana.

“Kupera kwaraita tinototenda Musiki nekuti kurarama kwatakaita tose kurarama kwenyasha tichiona kuti nyika yedu yanga iri mu drought, yanga iri nyika yedambudziko rekushaya simba kwemari yedu yemuno muZimbabwe.”

VaChikerema vanotiwo kuveko kwemari itsva kwakambodzikamisa zvinhu asi hakuna kunyanya kubatsira uye mabhizimisi pamwe neindasitiri zvakaramba zvakaomerwa.

“Kuchinjachinja kwemari isina mutsigo tinokuona kuti kwakaita kuti mabhizinesi chaiwo atadze kushanda zvakanaka. Tinoona sekuti hurumende inoda kumbunyikidza kuti vemabhizinesi makuru vatambire rate iyoyo inotambatamba kunge mukwanzi kana derere asi zvinova zvinozokuvadza mabhizimisi avo tichiona kuti mamwe mabhanga nemakambani mahombe akavhara. Makambani akaita saana Unilever akatobuda muZimbabwe nenyaya iyoyo yekuti hapana tarisiro or policy certainty kuti mari iyi ichakwanisa kuve transferable or convertible."

Nekuda kwekusanaya kwemvura zvakanaka mumwaka wapfuura, hurumende ichitsigirwa nezvikamu zveUnited Nations kusanganisira World Food Programme, yakaparura chirongwa chekupa chikafu kune vanotambura vari kumaruwa, ukuwo mumadhorobha vanonyanya kutambura vachipiwa mari yekuti vakwanise kutenga chikafu.

Asi vakafanobata chigaro chemunyori mukuru musangano rinomiririra vashandi reZimbabwe Congress of Trade Unions, ZCTU, VaKudakwashe Munengiwa, vanoti kunyange paine matanho akadai seari kutorwa nehurumende nemasangano anobatsira, hupfumi hwenyika hunoramba hwakaomera veruzhinji.

“Economy yedu inoramba iri an enclave economy, iri economy ine vanazvo zvakawandisa nevanononga svosve nemuromo, saka haitifadzi sevashandi and worse off takatarisa gore riri kutevera tichiona kuti budget raitwa naminister wedu rinonyanya kunge rakatarisa pa taxation. Taxation yacho mukaiongorora iri kunyanya kubata kuvarombo.”

VaMunengiwa vanoti hurumende haifanirwi kutora matanho ekungotsvaga mari ipapo ipapo asi kuti itarise kune ramangwana yotora matanho akasimba ekumutsiridza nekuvandudza maindasitiri.

“Chiri kukonzear kuti vanyanye kutsvaga consumptive taxes ndechekuti the productive sector has been decimated. Mozoona kuti ma exports edu ari kuwandira kune anonzi ma primary goods, kutengesa zvinhu zvisina kugadzirwa. Platinum yedu tinoitengesa isina kugadzirwa; chrome yedu tinoitengesa iri semi-processed.”

VaJoseph Gunda, mutevedzeri wemutungamiri wesangano reConfederation of Zimbabwe Industries, vanoti vemaindasitiri vanoramba vachichema nenyaya yekuti vanodhurirwa kuita mabasa avo munyika nekuda kwekudhura kunoita zvakakosha zvakadai semagetsi pamwe nekutakura zvinhu.

“Kuburitsa zvigadzirwa zvedu zvemuZimbabwe kuti zviende kune dzimwe nyika kuri kuti dhureyi nekuti kuri kushandiswa mugwagwa pachinzvimbo chechitima. Kutakura nechitima kunoderedza ma costs of transport, so inyaya hombe chaiyo. Ma cost of production akati kwireyi.”

Vachitura hurongwa hwekushandiswa kwemari yenyika hwegore ra2025, Muzvinafundo Ncube vakati muhomwe yenyika makakwanisa kusara muine mari nekuda kwekuti bazi ravo rakaita zvose zvaraigona kusashandisa mari zvisina mwero.

Asi zvisineyi neizvi uye kuzvipira uko Muzvinafundo Ncube vanoti hurumende yakaita pakugadzirisa izvi chikwereti chenyika kuWorld Bank neIMF chiri kuramba chichikura izvo zvinonzi nedzimwe nyanzvi mune zvehupfumi zvinotadzisa nyika kuti iwane zvimwe zvikwereti uye kuti venyika dzekunze vade kusima mari muno.

Chipangamazano musangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, VaPropser Chitambara, vanobvuma kuti zvinhu munyaya dzezvehupfumi hazvina kumira zvakanaka asi vanoti zvinhu zvinogona kunaka mberi.

“Drought yakakanganisawo nyaya yemagetsi saka takaona kushomeka kwemagetsi munyika zvaka affectermabhizimusi. Towards the end of the year takazoona ZiG ichiita kunge yagadzikana zvakare nenyaya yekutisituation munyika yange yave tightened. Saka zvakabatsira kuunza a bit of stability. Gore rinouya tinotarisira kuti tikawana mvura yakanaka zvinhu zvino improver, especially ku agriculture, ku manufacturing zvakare ne the rest of the economy.”

Vakuru vakuru vehurumende kusanganisira mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanochema nerekuti zvirango zvakatemerwa ivo nevamwe vakuru vakuru vehurumende ndizvo zvimwe zviri kuvhiringidza kugadzikana kwehupfumi hwenyika.

Asi vakambove mumwe wevanachipangamazano vemutungamiri wenyika, VaEddie Cross, vakaudza Studio 7 kuti zvirango izvi hazvina zvazvinonyanyokanganisa, vachiti nyaya yehuwori ndeimwe nyaya hombe, uye ikasagadziriswa nekukasika inogona kukonzera mamwe matambudziko makukutu munyika.

“Huwori hwasvika pachinanho chekuti vanhu vose munyika vave kushushikana nahwo. Kukura kwehuwori muZimbabwe kwanyanyisa uye zvinofanirwa kugadziriswa. Kana mutungamiri wenyika akasatora matanho akafanira pakugadzirisa huwori, zvichakanganisa nhoroondo yehutongi hwavo.”

Kubudiswa kunze zvisiri pamutemo kwezvicherwa zvakakosha zvakaita segoridhe uye kupinzwa munyika kwezvinhu zvinotengwa kunze nenzira dzisiri pamutemo ndehumwe hwehuwori hunonzi huri kuita kuti nyika irasikirwe nemari yakawanda.

Muchuchisi mukuru wehurumende kana kuti Prosecutor General, Amai Loice Matanda-Moyo, vakazivisa gore rino kuti nyika iri kurasikirwa nemari inoda kusvika kumabhiriyoni maviri vekuda kwehuwori, vakakurudzira kuti patorwe matanho nekukasika kugadzirisa dambudziko iri.
Ukuwo, Muzvinafundo Ncube vanoti hurumende iri kuita zvose zvainogona kunyanya pakudzivirira kupinzwa kwezvinhu munyika zvisiri pamutemo.

Zvichaoneka mukufamba kwenguva kuti matanho aya pamwe nemamwe akawanda ari kutorwa nehurumende achaita kuti hupfumi hwenyika hugadzikane here mugore rinouya ratave kupinda ra 2025 iri kana kuti icharamba iri ngoma ndiyo ndiyo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:11 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG