Vamwe vechidiki vari munyika vane miono yakasiyana-siyana pamusoro pezuva rezororo reKisimusi, iro richange richipembererwa mangwana. Kune vanoti vanorikoshesa zuva iri, vamwewo vachiti izuva rakangofanana nemamwe mazuva.
Mudzimai wechidiki anogara mumusha weMbare muHarare, Muzvare Tellmore Kupara, vanoti zuva reKisimusi rakakoshera vechitendero chechiKristu saivo, sezvo richidzidzisa rudo rwavanoti rwakaratidzwa naMwari kuvanhu.
“Izuva rekuti tiyeuke kufa kwemwanakomana waMwari, Jesu Kristu, uyo akaroverwa pamuchinjikwa, kuti tiregererwe zvivi zvedu. Kana tabva kudzisvondo kunonamata, tinoswera nemhuri dzedu tichifara nekupemberera, kubudikidza nekudya nekunwa.”
Asiwo variko vakafanana naAmai Kelly Mapfumo, muwe mudzimai wechidiki, avo vanoti zuva reKisimusi rakangofanana nemamwe mazuva.
“Ini nemhuri yangu tinongoita zvatajaira kungoita mazuva ese. Hatipfachuri mari pazuva rimwechete iri nekuti zvese zvinogona kunzi zvingada kuitwa muzuva iri tinokwanisa kungozviita chero nguva. Kunyange vana vedu havatarisiri zvakawanda pazuva iri.”
Mufundisi wechidiki anotungamira svondo yeGreater Love Ministries, VaRonald Mhlaba, vanoti Kisimusi izuva rekurangarira zvakanaka zvinenge zvakaitika muhupenyu hwevanhu kubva gore richitanga.
“Tinotanga taenda kumakereke kunonamata mangwanani, tobva tazoendawo kunofara nedzimhuri. Izuva rekutenda zvatinege takakwanisa kuita gore rese; uyewo kuzorora. Ndinofunga kuti izororo ratinofanira kukoshesa, naizvozvo takaritarisira.”
MaKristu pasi rese anopemberera zuva reKisimusi musi wa25 Zvita gore negore, vachirangarira kuzvarwa kwaJesu Kristu uyo vanotenda kuti akauya kuzofira zvivi zvavo.
Asi haasi maKristu chete anopemberera zuva iri, sezvo kunyange avo vasingaiti zvechitendero vachitora mukana wekuti vazorore kubva kumabasa; vamwe vachishanyira hama neshamwari vachibika twunonaka twekudya nekunwa zvakasiyanasiyana zvinosanganisira hari yemadzisahwira.
Ukuwo, murapi anoshandisa mishonga yechivanhu, vanozivikanwa nekunzi Mbuya Muchadura, vanoti zororo reKisimusi harineyi netsika dzevanhu vatema.
"Kupambwa kwatakaitwa nevachena, ndiwo mauyiro akaita zororo reKisimusi. Asi pachinyakare chedu hakuna zororo rakadaro. Hazvina zvarinotibatsira naro zuva iri. Vanhuwo vanozorifarira nekuti havaendi kumabasa, naizvozvo vanoswera vakazorora vachiona mhuri dzavo."
VaWillard Mtoti, baba vechidiki vanogara kuMateta 2, kuGokwe, vanoti zororo reKisimusi rinovapa mukana wekuti bhizimusi ravo rekugera vanhu misoro rivawanise mari yakati wandeyi.
“Takangokura zuva iri richipembererwa, saka nazvino tinoramba tichirirangarira. Ini ndinozonyanya kurirangarira kana ava manheru sezvo masikati basa richinge rakawanda. Vanhu vazhinji vanenge vachida kuchenesa misoro yavo, saka inguva yakanakirawo bhizimusi rangu.”
Asi mukufara kwese kuchaitika mapurisa eZimbabwe Republic Police anokurudzira veruzhinji kuti vafare zvine mwero.
Tinzwe mashoko eyambiro kubva kumutauriri weZRP mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chakanza.
“Tinozviziva kuti vanhu vanenge vachifara nenzira dzakasiyana-siyana, asi tinokurudzira vanhu kuti vazive pekugumira. Iri izuva rakangofanana nemamwe mazuva, naizvozvo zvakanaka kuti vanhu vasaite mabasa anozoita kuti vazvidembe mangwana. Ngatisanwai doro tobva tada kutyaira dzimotokari. Ngatisiyei kudhakwa zvakapfurikidza, uye ngatiedzei kuenda kudzimba nguva ichiripo.”
Munguva yezororo reKisimusi iri vechidiki vanowanzoita misikanzwa inosanganisira kutora zvinodhaka; kupindana nenyaya dzepabonde, uyewo kuba chaiko.
Kunyange veruzhinji vakawanda vari kuti gore ra2024 ranga rakavaomera, vhiki radarika mudhorobha reHarare, vanhu vanga vari ivhu nemarara, vachitenga hembe, zvikafu, zvinwiwa nezvipo zvekupemberera zuva iri.
Vechidiki vakawanda vanotora mukana wezuva reKisimusi uyu kuzorororawo kubva kumabasa pamwe nezvidzidzo zvinowanzovatorera nguva yakawanda, vachizvifadza nemimhanzi, kushanya pamwe nekutandara nemhuri dzavo vachiita mabiko.
Forum