Accessibility links

Breaking News

Mhirizhonga Inoenderera Mberi muMozambique Vanopikisa Vachiramba Kutambira Zvakaziviswa neConstitutional Council


Kuratidzira kuri kuenderera mberi muMozambique.
Kuratidzira kuri kuenderera mberi muMozambique.

Zvinhu zvinonzi zviri kuramba zvichiita manyama amire nerongo muMozambique umo vanhu vari kuenderera mberi nekuratidzira vachiramba kutambira zvakaziviswa nedare repamusorosoro reConstitutional Court neMuvhuro svondo rino zvekuti bato riri kutonga reFRELIMO ndiro rakakunda musarudzo dzakaitwa muna Gumiguru.

Mutungamiri webato rinopikisa, VaVenancio Mondlane, avo vanonzi vakakundwa naVaDaniel Chapo veFRELIMO, vari kuramba kutambira zvakaziviswa neConstitutional Court izvi izvo zvaita kuti vanhu vaenderere mberi vachiratidzira.

Vasungwa makumi matatu nevatatu vanonzi vakafa neChitatu apo vasungwa vakapaza jeri guru reMaputo Central vachitiza. Vasungwa vanosvika zviuru zvitanhatu vanonzi vakabuda mujeri iri kunyange hazvo vamwe vari kunzi vakabatwa.

Vanhu makumi maviri nemumwe vairatidzira vanonzi vafa kubva zvaziviswa nezvezvakabuda musarudzo idzi neMuvhuro.

Sachigaro veSADC vari mutungamiri weZimbabwe, VaEmmerson Mnangagwa vakaburitsa gwaro vachikurudzira mapato ose muMozambique kuti atambire zvakaziviswa nedare repamusorosoro iri, vachikurudzirawo masangano ekunze kuti aremekedze zvido zvevana veMozambique.

Sachigaro veAfrican Union, VaMoussa Faki Mahamat, vatiwo hurumende yeMozambique nevanopikisa vanofanirwa kutsvaga nzira yekupedza nayo gakava iri murunyararo.

Hurumende yeSouth Africa yatiwo pave kudiwa nhaurirano yechimbichimbi ichiti yakazvipira kukokera nhaurirano idzi kuti muMozambique muve nerunyararo.

Nyanzvi munyaya dzekudyidza kwenyika dzapasi rose vachidzidzisa paDeVry University kuOhio muAmerica, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvinogona kunge zviri zvinhu zvakanaka zviri kukurudzirwa neZimbabwe pamwe neSouth Africa zvekuti vari kutonga nevanopikisa muMozambique vatevedzere zvakaziviswa nedare guru muMozambique vachiti ndizvo zvinofanirwa kuitwa pamutemo.

“Kana dare guru renyika ratara kuti nhingi ndiye ahwinha ndizvo zvinofanira kunge zvichitevedzerwa nenyika izvozvo, namapati ose izvozvo. Asi maonero andiri kuita ndeekuti handinyore kuti zvinge zviri izvo zvinenge zvichibvumwa ne opposition party nekuti kubvaira pakuita ma election acho emu Mozambique vakagara vaona zvimhingamipinyi zvakawandawanda zvinoita kuti vasatombobvuma hutongo hwacho hwedare guru remuMozambique.”

Sangano renhau reReuters rinoti bazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica rakati riri kushushikana nezvakaziviswa neConsitutional Council neMuvhuro richikurudzira kuvandudzwa zvakasimba kwemitemo inobata sarudzo pamwe nemapoka anotungamira Nyaya dzesarudzo muMozambique.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG