Makore matanhatu apfuura, vanhu vemuSudan vakasimuka vachibvisa hudzvanyiriri vachitsvaga hutongo hwejekerere.
Asi tarisiro yavo yakakanganiswa nemauto akatora masimba muna 2021 nekurwisana kwakasimba kwakamuka pakati pemauto ehurumende eSudanese Armed Forces neRapid Support Forces muna Kubvumbi 2023.
"Zviitiko izvi zvakonzera kutambura kwakaipisisa mupasi rose," vakadaro gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica VaAntony Blinken mumashoko avo kumusangano weU.N. Security Council mazuva mashoma adarika.
“Tinoramba tichiona mhosva dzehondo nemhosva dzekutyorwa kwekodzero dzevanhu dziri kuparwa munzvimbo dzakawanda dzeSudan. MuZamzam, vanhu vave kupona nekudya uswa nemakoko enzungu. Nekufungidzira, mwana mumwechete anofa maawa maviri oga oga nekushaya chekudya,” vakadaro VaBlinken.
Matambudziko aya ayambuka miganhu yeSudan, sezvo zvizvarwa zveSudan zvinodarika mamiriyoni matatu zvakatiza zvichienda munyika dzakapoteredza. VaBlinken vakati America inoramba iri iyo nyika yapa rubatsiro rwakawandisisa kuvanhu vemuSudan.
“Tiri kuzivisa nezverumwe rubatsiro rwungasvika kumamiriyoni mazana maviri emadhora rwekuwedzera chikafu, pekugara, nezvehutano, zvichisvitsa rubatsiro rwapiwa neAmerica kumabhiriyoni maviri ane mamiriyoni mazana matatu emadhora kubva zvatanga kurwisana gore rapera.”
VaBlinken vakaburitsa pachena nzira ina dzekugadzirisa nadzo zvinhu muSudan nekuzoguma pawanikwa chisungo chinounza runyararo mukunetsana uku.
“Kutanga, tinofanirwa kuwana rubatsiro rwakawanda, rubatsiro rwakawanda rwunodikana zvakanyanya – kuchengetedzeka, nekukasika, nekusavharidzirwa,” vakatsanagura VaBlinken.
"Muna Mbudzi, masangano nanopa rubatsiro akagovera rubatsiro rwunokwana kuita matani zviuru gumi nezvipfumbamwe, kana kuti 19 000 metric tons muSudan. Urwu rubatsiro rwakapetwa kanokwana kuita kana kubva muna Nyamavhuvhu. Asi kuti tisvike pedyo nekuzadzisa zvinodiwa zvese tinofanirwa kuita zvakapetwa kazana kubva muzana: matani zviuru makumi mana kana kuti 40 000 metric tons mwedzi wega wega. Zvinoreva kuti pasi rose rinofanirwa kupa rubatsiro rwakawanda kune avo vari mu Sudan pamwe nevapoteri vari munyika dzakaita seEgypt neChad, idzo dzakabatsira nekuvapa pekugara.”
VaBlinken vakawedzera vachikurudzira U.N. Security Council kuti imanikidze mapoka ose ari kurwisana kuti achengetedze vanhuwo zvavo, amise kuponda nekumisa kurwisana.
Security Council inofanirwa kujekesa kune vari kunze, kusanganisira Russia kuti havangarambe vachikuchidzira rimi rehondo muSudan.
Mukugumisira, pasi rose rinofanirwa kubatsira vanhu vemuSudan apo vari kushanda kumutsiridza hurumende inofanobata matomu inosanganisira mapoka ose, ichitungamirwa nevanhuwo zvavo, iri hurumende yegutsa ruzhinji.
VaBlinken vakati “Tine basa rekupedza hondo iyi nekutsigira vanhu vemuSudan, vachiti “Ngatitoreyi mukana uyu.”
Ayo anga ari mashoko anoratidza maonero ehurumende yeAmerica.
Forum