Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Anoti Vanhu Vakawanda Vakafa muTsaona dzemuMigwagwa Pakati paZvita 15 naZvita 26 Gore Rino Pane Gore Rapera


Tsaona zhinji dzinonzi dzaive dzemotokari diki.
Tsaona zhinji dzinonzi dzaive dzemotokari diki.

Mapurisa anoti vanhu makumi manomwe nevanomwe, 77, vakafa mutsaona dzemumigwagwa pakati pemusi waZvita 15 kusvika musi waZvita 26 gore rino zvichienzaniswa nemakumi manomwe nemumwe, 71, vakafa munguva imwecheteyo gore rapera.

Izvi zvakauya kunyange hazvo tsaona dzemumigwagwa munguva imwecheteyo gore rino dzakadzikira kusvika pachiuru chimwe chine mazana maviri negumi neimwe, 1 211 kubva pachiuru chimwe namazana mana ane makumi mashanu neina, 1 454 dzakaitika nguva imwechete gore rapera.

Gwaro raburitswa nemapurisa rinoratidza kuti tsaona zhinji dzakaitika munguva iyi ndedze motokari duku uye mabhazi anotakura vanhu matatu ndiwo chete akaita tsaona mushure mekunge abonderana pachawo.

Mapurisa anotiwo tsaona dzevanhu vakatsikwa vachida kuyambuka migwagwa dzakaonekawo dzichiitika, achikurudzirawo vatyairi kuti vatevere mitemo yemumigwagwa pavanenge vachifamba kuitira kudzivirira tsaona.

Mutauriri wesangano rinomirira vanofamba nemabhazi nemichivha, rePassenger Association of Zimbabwe, VaTafadzwa George Goliati, vanoti kukwira kwehuwandu hwevanhu vakafa mutsaona dzemumigwagwa pamwe nehuwandu hwetsaona zvinoratidza kuti panoda dzidziso yakasimba inoita kuti veruzhinji vazive zvakakoshera kuteverwa kwemitemo.

VaGoliati vanoti panodawo kuti patorwe matanho ekukwidza mari dzinobhadhariswa vanenge vatyora mitemo yemumigwagwa vachiti dziri kubhadhariswa vanhu pari zvino dzinoita sekunge hadzisi kuvarwadza zvinoita kuti vasaite hanya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:29 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG