Accessibility links

Breaking News

Vakawanda muZimbabwe Vanobatana neAmerica nePasi Rose muKuchema Vaimbove Mutungamiri weNyika, VaJimmy Carter Vakashaya


VaJimmy Carter vakashaya musi weSvondo kuGeorgia kuAmerica.
VaJimmy Carter vakashaya musi weSvondo kuGeorgia kuAmerica.

Vakawanda munyika vabatana neAmerica mukuchema vaimbove mutungamiriri wenyika iyi, VaJimmy Carter, vachiti munhu akaita basa guru panhaurirano dzekusungungura Zimbabwe pamwe nekuunza runyararo munyika dzakawanda pasi rese.

VaCarter, avo vakave mutungamiriri wechimakumi matatu nepfumbamwe, ndivo vaitungamira America apo Zimbabwe yakawana kuzvitonga kubva Britain muna 1980 uye vakapinda munhaurirano dzekuunza hutongi hweveruzhinji munyika.

Mumwe mugari wemuHarare, Amai Eugenia Shumba, vati VaCarter munhu akabatsira vatema kubvisa hutongi hwehudzvanyiri.

“VaJimmy Carter vakanga vasina rusaruraganda vakabatsira murusununguko rweZimbabwe, vakabatsira futi kupedza rusarura kuSouth Africa saka tinovarangarira naizvozvo.”

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika uye vari mukuru weMedia Centre, VaEnerst Mudzengi, vatsanangura VaCarter semunhu akabatsira Zimbabwe zvikuru uye aida kuti munyika muve nehutongi kwejekerere kubvira vachiri mutungamiriri weAmerica, kusvika vabva pachigaro vave kushanda nemasangano avo anoti Jimmy Carter Foundation nere Elders.

“Munhu anga akazvipira pabasa rake, chinganyanya kuti fadza kuno ndechekuti vakaedza kutibetsera kuti nyika yedu ive nehutongo hwejekerere.”

Mukuru weDemocractic Party, Doctor Wurayayi Zembe, varumbidzawo VaCarter semunhu aive nembiri yekurwira kodzero dzevanhu nekuti vanhu vave nekutongi hwejekerere.

Vaenderera mberi vachiti vazhinji munyika vachavarangarira nekutaura chokwadi apo sangano ravo raiongorora sarudzo munyika vachiburitsa pachena kuti sarudzo idzi dzainge dzisiri kufambiswa zvakanaka.

“Tingangoti isu VaJimmy Carter vairwira kodzero dzevanhu nehutongi hwejekerere kuti hurumende inofanira kudzikwa nevanhu musarudzo dzakasununguka dzinoitwa pamutemo, yaive shumba pakurwira kodzero dzevanhu saka tine hurombo zvikuru kuti vatisiya.”

Vanoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika vakazvimirira, Doctor Leopold Chakanyuka, vaudza Studio 7 kuti kunyange hazvo vachiyemura basa rakaitwa naVaCarter pakubvisa vana veZimbabwe muhutapwa, vanovashora kuti vakazorasika gwara votaura manyepo vachishandisa sangano ravo reCarter Foundation pamusoro pesarudzo dzaiitwa muZimbabwe.

“Saka ipapo tino vashorawo nepamusana pekuti basa ravakange vave kuita rakange riine kumhura nyika yeZimbabwe , nekuratidza Zimbabwe iri nyika isingatereri mutemo uye chinhu chakange chisiri chokwadi chezvaiitika.”

Nyanzvi munyaya dzezvematogerwo enyika vachitaura vakazvimirira, VaJoel Mukusha, vatiwo VaCarter vakazokanganisa zita ravo kuruzhinji rweZimbabwe apo vakatanga kunyomba nyika yeZimbabwe nemasangano avao reCarter Foundation nemaElders.

“Kana nechikwata chavo cheElders dai vaive nechido nevanhu vaifanira kurudzira kusunungurwa kwenyika kubva pazvirango nekuti zvinokuvadza vanhu vasina mhosva”

VaCarter nechikwata chavo chemaElders chaisanganisira vaimbove munyori mukuru weUnited Nations VaKofi naAmai Graca Machel vakarambidzwa kupinda munyika nehurumende yevaimbove mutungamiriri wenyika, VaRobert Mugabe apo vaida kuzogadzisira gakava rainge ramuka munyika zvicheitevera sarudzo dzainge dzisina kufamba zvakanaka pakati peZanu PF neMDC yaitungamirira naVaMorgan Tsvangirai.

Hatina kukwanisa kunzwa kubva kubato ririkutonga reZanu PF sezvo mushandi mukuru muchikamu chekuburitswa kwemashoko, Vafarai Marapira, vange vasati vapindira mubvunzo yedu pataenda pamhepo. Hatinawo kukwanisa kunzwa kubva kubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika sezvo mutauririri wbazi iri Va Michael Mukura vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

VaCarter vari kurangarirwa pasi rese semunhu aida runyararo nehutongi hwejekerere uye vanorumbidzwa nekuunza kuyanana kweEgypt neIsrael.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG